Mutauriri weZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, vanoti zvisungo zvezvakabuda pamusangano webato iri wepagore zvichiri kunyorwa uye zvichaziviswa kuruzhinji munguva pfupi inotevera mushure mekunge zvambozeyiwa nevakuru vebato.
Asi pazvisungo apa ndipo pachajeka kuti ndechipi chikwata chinenge chawana simba pazvikwata zviviri zvinonzi zviri kurwisana kutora chigaro chemutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe.
Pane chikwata chinonzi Generation 40 chinonzi chiri kuda kuti mudzimai wemutungamiri webato, Amai Grace Mugabe, vatore chigaro chekuva mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato kubva kune mumwe wevatevedzeri vemutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa.
Izvi zviri kuitwa pakatambirwa chisungo chekuti vadzokere kuchikamu chebumbiro rebato rekare chekuti mumwe mutevedzeri wemutungamiri webato, ave mudzimai.
Asi chikwata chinonzi chinotsigira VaMnangagwa chinoti chinoda kuti mudzimai uyu abve kuZapu rwendo rwuno sezvo vaive mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato, Amai Joice Mujuru, vaive veZanu PF.
Panewo zvisungo zvakaitwa nevamwe vakarwa hondo zvekuti chigaro chaVaSaviour Kasukuwere chezvekuronga bato, chipihwe munhu akarwa hondo yerusununguko.
Asi VaMugabe vakaratidzawo kumusangano uyu kuti vakuru vemauto, mapurisa nevasori vave kupindira munyaya dzezvekuti ndiyani achatora chigaro chavo.
VaKhaya Moyo vati havana zvakawanda zvekutaura nezvenyaya iyi.
Asi mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vabva vati mudzimu waro kuona huku dzichirwa.
VaGutu vanoti vagara vachitaura kuti mauto ngaabve mune zvematongerwo enyika.