Accessibility links

Breaking News

Afrobarometer Inoti Vanhu Vanoda Kuti Vawane Mabasa, Dzidzo neHutano Munyika


Afrobarometer
Afrobarometer

Sangano rinoita ongororo muAfrica reAfrobarometer rinoti vanhu vakawanda munyika dzemuAfrica vanoda kuti hurumende dzavo dzigadzirise mabasa, dzidzo nenyaya dzezvehutano.

Izvi zviri muongororo yaburitswa nesangano iri inonzi “Where to start? Aligning sustainable development goals with citizen priorities".

Ongororo iyi yakaitwa munyika makumi matatu nembiri kusanganisira Zimbabwe uye pakabvunzwa vanhu vanodarika zviuru makumi mana nezvisere.

Afrobarometer inoti ongororo dzakadai dzinobatsira kuti hurumende dzizive pekuisa mari uye kuti dzingazadzikise sei zviga zveUnited Nations zve 2030 Sustainable Development Goals.

Vanhu vakawanda muZimbabwe vanoti vanoda kuti hurumende ikoshese mabasa, kugadzirisa zvivakwa uye hutano.

Vakaita ongororo iyi muZimbabwe, VaBonoiface Dulani, vaudza Studio7 kuti vakatopinda muZimbabwe vachibvunza vanhu nezvemaonero avo.

Vati zvakakosha kuti hurumende dzemuAfrica dzisangoti hupfumi huri kugadzirisika asi vanhu vasina chouviri chavari kuwana.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, uye vari mukuru wesangano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisayi Ruhanya, vanoti zviri pachena kuti ongororo iyi inoburitsa pachena kuti vanhu vanoda kuti hupfumi hwenyika hugadziriswe nehurumende.

Hurukuro naVaPedzisayi Ruhanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG