Muchirongwa chedu chinotarisa zvinosangana nevechidiki muhupenyu hwavo kana kuti Youth Forum tiri kutarisa nyaya yeChirongwa cheNational Youth Service icho chinogara chichinetsa munyika pakati pebato reZanu-PF nemapato anopikisa uye masangano akazvimirira oga.
Hurumende yakaparura chirongwa ichi muna 2001.
Hurumende payakatanga chirongwa ichi yaiti change chakanangana nekubatsira vechidiki kuti vade nyika yavo uye kuwaniswa mikana kune vechidiki.
Chirongwa ichi chainziwo chaizobatsira kukwenenzvera vechidiki kuti vakwanise kuzviitirawo mabasa emaoko.
Asi chirongwa ichi chakakonzera mutauro munyika kusvika muna 2009 pachakambomiswa nekushaya mari.
Mukuzeya nyaya iyi, tabata vakatungamira mabasa echirongwa ichi, VaReason Wafavarova, avo vave kugara kuAustralia.