Munyaya inonzi nemagweta nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi yakakosha zvikuru munyika, kambani yePackers International, yakaendesa bazi rehurumende rezvemitero reZimbabwe Revenue Authority, Zimra, kudare repamusoro soro reConstitutional Court richiti nyaya yeZimra yekubatira makambani mari yechiketura haisi pamutemo.
Packers International ndiyo muridzi wemakambani akaita seChicken Slice nePizza Slice.
Bazi reZimra rakakosha zvikuru nekuti mari dzakawanda dzehurumende dzave kubva muZimra kusanganisira dzekubhadhara vashandi vehurumende nemakurukota ehurumende.
Zimra pari zvino iri kusimbisa kutsvaga mari nenyaya yekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzezvehupfumi.
Nyanzvi munyaya dzezvemitemo, uye vari vakafanobata chigaro chemutungamiri webato reNational Constitutional Assembly, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vanoti iyi inyaya yakaoma asi zvinonetsa kuti matare ati Zimra irambidzwe kutora mari dzemitero.