Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, neMuvhuro vakataura pamusangano wezvekushanduka kuri kuita mamiriro ekunze we climate change waparurwa zviri pamutemo muParis, France.
Vatungamiri venyika dzinodarika zana nemakumi mashanu, kusanganisira Prince Charles weku Britain, vari kupinda mumusangano wakakosha uyu.
VaMugabe vashora zvikuru nyika dzakabudirira vachiti dzakaomera uye hadzidi kubatsira nemari nyika dzichiri kubudirira idzo dzakatarisana nematambudziko ekuchinja kwemamiriro ekunze.
Misangano iyi inokokerwa neUnited Nations, uye yagara ichiita gakava rekuti ndeapi mabasa anofanira kuitwa nenyika dzakabudirira neanofanira kuitwa nenyika dzichiri kubudirira.
VaMugabe vati nyika dzichiri kubudirira ndidzo dziri kunyanya kusangana nematambudziko sezvo dzisina mari yekubatsira vanhu kana paita nzara kana kupisa zvakanyanya.
VaMugabe vati vatungamiri venyika dzichiri kubudirira havana zvizhinji zvavangaite sezvo kuda kuita izvi kuchizosiya vanhu venyika dzavo vononga svosve nemuromo vachiziya nenzara mari yose yaendeswa kumasangano ane chekuita nemamiriro ekunze.
Vamwe vatungamiri vataura pamusangano uyu vanosanganisira mutungamiri we America, VaBarack Obama, uye mutungamiri weChina, Va Xi Jinping.
VaXi naVaObama vakatenderana kuti vachasimbaradza mabasa ekushanda pamwe chete muhurongwa hwekuona kuti mweya wekufema haurambi uchisvibiswa.
Mukuru weEnvironment Africa, VaBarnabas Mawire, vanoti VaMugabe havana kunyanyopotsa panyaya yekuti venyika dzakabudirira havasi kuzvipira mukugadzirisa dambudziko remamiriro ekunze.