Accessibility links

Breaking News

Vanotsigira VaMnangagwa muZanu-PF Votambiswa Chamutavanhava


Zvinhu muZanu-PF zvaramba zvakaita manyama amire nerongo zvichitevera nyaya yekuramba nhengo dzebato iri dzichidzingana mubato.

NeChina, dunhu reManicaland, iro rine kunetsana kunotyisa, rakavhota kubazi reYouth League richiti harichachadi sachigaro waro, VaKelvin Manyengavana, mubati wehomwe, muzvare Getrude Mutandi, uye vanoona nezvematongerwo enyika, VaWashington Nziwiwi.

Vatatu ava vanonzi vari kupindira munyaya dzewomens league uye kukonzera kunetsana mubato. Asi vane ruzivo nezviri kuitika vanoti vari kuchikwata chinonzi chiri kutsigira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Vavadzinga vanonzi vari kuchikwata chinonzi Generation 40 chine rutsigirwo rwaamai Grace Mugabe vanotungamirazve Womens League. Vanhu vakawanda vanotsigira VaMnangagwa vanonzi vari kugara vakabatira hana mumaoko nekuti vakawanda vacho vari kuda kudzingwa mubato.

Munyori mukuru muZanu-PF Youth League, VaPupurai Togarepi, vati havakwanise kutaura nezvenyaya yeManicaland pari zvino sezvo vachiri kumbonyora bvunzo.

Gweta uye vari chipangamazano musangano reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga vanoti nyaya yekunetsana muZanu-PF haipaeri kusvika VaMugabe vadoma achavatsiva kana vasiya chigaro.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG