Bato reZanu-PF neMuvhuro rakatanga kuita musangano waro wePolitburo sehwaro hwekutanga hweconference yepagore yegumi nenhanhatu iri kuitwa kuVictoria Falls.
Bato iri richaitawo musangano weCentral committee risati raenda kuVictoria Falls mukupera kwesvondo.
Asi zviri kubuda mubato iri murwendo rwekuenda kuconference iyi zviri kuratidza kuti zvinhu zvakaita manyama amire nerongo.
Matunhu anosvika mashanu pari zvino ati ari kuda kuti bato ridzokokere pabumbiro remitemo rakare rinoti mumwe wevatevedzeri wemutungamiri wenyika anofanira kunge ari mudzimai.
Matunhu anoti Harare, Mashonaland East, Mashonaland Central, Mashonaland West ne Bulawayo anoti ari kuda kuti bumbiro rechinjwe kuti mudzimai aone chigaro chepamusoro.
Dunhu reMidlands neMasvingo anonzi ari kutsigira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, anoti ari kuda kuti komiti yeNational Disciplinary Committee iyo iri kudzinga vanonzi nhubu mubato, inofanira kuvandudzwa.
Komiti iyi ine nhengo dzinosanganisira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko, uye mudzimai wemutungamiri wenyika, amai Grace Mugabe, avo vave kupomerwa mhosva yekuti vari kudzinga mubato vanofungidzirwa kuti vanotsigira VaMnangagwa.
Paitawo kukandirana makobvu nematate pakati pemunyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa mubato, VaSaviour Kasukuwere, negurukota rinoona nezvevarwi vehondo yerusununguko, VaChris Mutsvangwa.
VaKasukuwere vari kuti VaMutsvangwa ngavadzingwe mubato vachivapomera mhosva yehuori.
Asi VaMutsvangwa vari kutiwo VaKasukuwere ngavabviswe pachigaro ichi sezvo vasina nhoroondo yehondo yechimurenga. Makakatanwa aya anoratidza kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mubato.
Asi vachitaura neStudio 7, mutauriri weZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, vanoti conference yavo ichasimbisa nyaya yehupfumi vakatarisa chirongwa cheZIMASSET.
Vatiwo iyi haisi congress nekudaro hapatarisirwe kudomwa mamwe makurukota matsva.
Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaBlessing Vava vanoti VaMugabe vakasadoma achavatsiva zvinoreva kuti mubato munoramba muine bata murefu bata mupfupi muZanu-PF.