Sangano reWorld Food Program, WFP, rinoti raderedza mari yariri kuda kuunganidza yekubatsira vanhu mazana masere nemakumi mashanu ezviuru kubva pavanhu miriyoni imwe chete nemazana mashanu ezviuru vanonzi vakatarisana nenzara inotyisa muZimbabwe.
Mutauriri weWFP, VaDavid Orr, vaudza Studio7 kuti vakaderedza mari yavari kuda mushure mekunge hurumende nemamwe masangano awedzerawo mari yekubatsira vanhu.
Dare remakurukota rakasarudza mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vaite basa rekuunganidza mari nechikafu zvekubatsira vanhu munyika.
VaOrr vati pari zvino vaunganidza mari inosvika mamiriyoni makumi maviri nemashanu uye vari kukurudzira vanopa rubatsiro kuti vasunungure homwe.
Munhu mumwe chete ari kupihwa madhora mapfumbamwe mune dzimwe nzvimbo yekutenga chikafu pamwedzi kunzvimbo ine chikafu.
Goho rechibage remunyika rakaderera zvikuru zvichikonzerwa nekusamira zvakanaka kwekunze uye kusamirawo zvakanaka kwezvinhu muminda.
Goho rechibage rakadonha nezvikamu makumi mashanu nezvitatu kubva muzana.
Iri idambudzikowo rakatarisana nedzimwe nyika dzekuchamhembe kweAfrica dzisina kuwana mvura yakakwana zvapa kuti vanhu vanodarika mamiriyoni makumi maviri vatarisane nezara mudunhu iri.
Imwe nzvimbo yatarisana nenzara iMasvingo. Mugari wekuZaka, VaObert Mativenga, vanoti vanhu vemunzvimbo yavo vari kunonga svosve nemuromo sezvo chikafu chisiri kuvakwanira.