Accessibility links

Breaking News

VaPhillip Chiyangwa Vodomwa Kutungamira ZIFA Vamwe Vachiti Kusiya Bere Rakarinda Chitunha


ZIFA HOUSE
ZIFA HOUSE

Muzvinabhizimisi VaPhillip Chiyangwa vadomwa kuti vatungamire sangano reZimbabwe Football Association kana kuti ZIFA pasarudzo dzaitwa kuZIFA Village ku Mt Hampden.

VaChiyangwa vaona mavhoti makumi mana vachiteverwa naVaTrevor Carelse Juul vange vaine mavhoti gumi nematatu kuchizoti VaLeslie Gwindi vange vaine mavhoti maviri, kuchipedzisira VaJames Takavada avo vange vaine vhoti imwe chete.

VaChiyangwa vanova nhengo yeZanu-PF vaimbova nhengo yedare reparamende yeChinhoyi varizve sachigaro webato iri muMashonaland West. Vari kutora chigaro chakasiiwa naVaCuthbert Dube avo vaipomerwa mhosva yehuori nekutadzisa kufambisa basa zvakanaka.

Asi VaChiyangwa mukutsvaga rutsigiro vange vaunzawo kusawirirana kwakanyanya pakati pevatsigiri venhabvu. Vamwe vanga vachiti vanogona kugadzirisa zvinhu kuZIFA asi vamwe vange vachiti kuvatsigira kusiya bere rakarinda chitunha.

VaOmega Sibanda ndivo vaita mutevedzeri waVaChiyangwa mushure mekuita mavhoti makumi matatu nemana vachikunda VaLincoln Mutasa avo vange vaine mavhoti makumi maviri nematatu.

Nhengo dzeBhodhi dzasarudzwa dzinoti VaEdzai Kasinauyo, VaSilent Kamambo, VaPhillip Mabhena VaPhilemon Machana.

XS
SM
MD
LG