Kunyange hazvo nyaya yekuwanisa vanhu chikafu iri kodzero yevanhu mubumbiro remitemo yenyika, izvi handizvo zviri kuitika munyika sezvo hurumende isina kuisa mari yakakwana parutivi yekuwanisa vanhu zvekudya mubhajeti ra2016 ramirira kutambirwa nedare reparamende.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kukurudzira hurumende kuti igadzirise nyaya yechikafu munyika sezvo huwandu hwevanhu vari kuziya nenzara huri kuramba huchikwira nemamiriro akaita hupfumi uye kunze sezvo mvura isiri kunaya zvakanaka.
Sangano reWorld Food Program rinoti vanhu vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana mashanu vakatarisana nenzara munyika.
Asi dzimwe nyanzvi dzinoongorora nyaya dzechikafu dzinoti nemamiriro aita zvinhu mumadhorobha, huwandu uhu hwawedzera zvakanyanya.
Vanhu vakawanda vari kutaura neStudio 7 kubva kumatunhu ose enyika vari kugunun’una kuti vave kunonga svosve nemuromo.
Masangano anopa rubatsiro ari kutatarika kuwana mari yekubatsira Zimbabwe kuti itengere vanoshaya chikafu uye pave kutotarisirwa kuti hurumende ibatsire vanhu vayo.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Doctor Godfrey Kanyenze vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe vanoti hurumende iri kungovimba kuti ichabatsirwa nevekunze asi izvi hazvina njere.
Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi, VaRejoice Ngwenya, avo vanoshanda nesangano reLiberal Solutions, vanoti hurumende yakavhiringidza hurongwa hwekurima.