Dare repamusoro reHigh Court muBulawayo nemusi weChina rakapa bato rinopikisa reMDC-T mvumo yekuti riratidzire muguta reBulawayo.
Mutungamiri webato guru rinopikisa reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai vanonzi vari muchipatara kuSouth Africa sezvo vasiri kunzwa zvakanaka.
Zvimwe zvizvarwa zviviri zviri kutarisirwa kuurayiwa munguva pfupi inotevera kuIndonesia neSingapore mushure mekubatwa nemhosva yekuwanikwa zviine zvinodhaka.
Nyaya yehuori yanetsa munyika zvikuru mumakambani ehurumende ayo ari kupomerwa mhosva yekuita chikiribidi munyaya yematenda ane mari inosvika mabhiriyoni emadhora.
Ishe Mutoko vanoti hurombo hwakawedzerwa nenzara iriko gore rino hwasiyawo veruzhinji vari parumana nzombe munyaya dzehutano nekuda kwekusawanikwa kwemari.
Gurukota rinoona nezvemari, VaPatrick Chinamasa, vadzikisa tarisiro yavo yezvikamu zvavange vachifunga kuti hupfumi hwenyika hunokwira nahwo.
Gavhuna webhanga guru renyika, Reserve Bank of Zimbabwe, RBZ, Doctor John Mangudya, vanoti mumazuva mashoma anotevera vari kuzodaidza vana muzvinabhizimisi vose vane mazita akabuda mumapepa ave kuzivikanwa nerekuti Panama Papers.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vabatana nevamwe vatungamiri vedzimwe nyika kuUganda uko kwange kuchigadzwa mutungamiri wenyika iyi VaYoweri Museveni.
Mutongi wedare repamusoro, Amai Lavender Makoni, varasa chikumbiro change chakaiswa mudare iri nemuchuchusi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana, chekuti vatongwe nemutongi ari pamudyandigere.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti chitsvambe chiri kuna gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, kuti vape vana veZimbabwe chivimbo chekuti mari dzema bond notes dzavari kuda kuparura, hadzizoshaye huremu se bearer cheque.
Mumwe mufundisi wemuHarare akatanga kuratidzira muna Kubvumbi achikurudzira vanhu vemuZimbabwe kuti vatakure mureza wenyika vachirwira kodzero dzavo murunyararo, anoti kunyange hazvo ave kutyisidzirwa nerufu haasi kuzoregedza kuratidzira.
Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, vanoti havana hurongwa hwekudzora dhora remuZimbabwe kunyange hazvo vati vari kuparura mari yemabond notes anotangira pamadhora maviri kusvika pamadhora makumi maviri munguva pfupi inotevera.
Muzvinafundo Mhoze Chikowero avo vachangonyora bhuku rinonzi, “African Music, Power and Being, Colonial Zimbabwe”vari kukurudzira vana veZimbabwe kuti vanyore mabhuku anorondedzera nekuchengetedza nhoroondo yavo sevanhu vatema.
Zimbabwe Investment Authority inoti kuvandudzwa kuri kuda kuitwa mitemo gumi nemitatu nehurumende ine chekuita nezvehupfumi kusvika muna Chikumi kwakanangana nekurudziro dzinoitwa nebhanga guru repasi rose reWorld Bank.
Sangano reAmnesty International muCharlston, South Carolina muno muAmerica raparura chirongwa paFacebook chekukurudzira vanhu kuti vatsigire mhuri yemurwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika gore rapera, VaItai Dzamara.
Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye iri chipangamazana kuhurumende, Doctor Gift Mugano, vanoti hurumende inofanira kuvandudza mitemo yezvehupfumi kana ichida kugadzirisa dambudziko rekushomeka kwemari.
Mutungamiri we Togo, VaFaure Gnassingbe, vavhura Zimbabwe International Trade Fair, ZITF, zviri pamutemo muBulawayo vachikurudzira vanhu vemuZimbabwe kuti varambe vakashinga kunyange hazvo vakatemerwa zvirango nenyika dzekunze.
Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions kana kuti ZCTU rinoti riri kushushikana zvikuru nekushomeka kwemari mumabhanga izvo zvopa kuti mamwe mabhanga ape vanhu mari inosvika madhora makumi mashanu pazuva.
Mukuru wematare, Va Godfrey Chidyausiku, nemusi weChina vakaramba kutambira chikumbiro chemumwe mubereki VaMathew Sogolani chekuti zvikoro zvimbomira kutoresa vana mhiko kana kuti National Pledge kusvika nyaya yavakakwidza kudare repamusoro reHigh Court itange ranzwikwa.
Mumiriri weAmerica muZimbabwe VaHarry Thomas vanoti nyaya yehuori uye kutonga nedemo ndiyo yapa Zimbabwe kuti iyende kumawere kwete nyaya yezvirango.
Rodhai zvimwe