Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinoti RBZ Ikasapa Vanhu Chivimbo Mabhondi Acharamba Kutambirwa


Doctor John Mangudya
Doctor John Mangudya

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti chitsvambe chiri kuna gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, kuti vape vana veZimbabwe chivimbo chekuti mari dzema bond notes dzavari kuda kuparura, hadzizoshaye huremu se bearer cheque.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti chitsvambe chiri kuna gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, kuti vape vana veZimbabwe chivimbo chekuti mari dzema bond notes dzavari kuda kuparura, hadzizoshaye huremu sezvakaitika kuma bearer cheques akamboparurwa nevaive gavhuna webhanga iri, VaGideon Gono.

Mari yekuAmerica
Mari yekuAmerica

VaMangudya vanoti vachaparura mari dzema bond notes anotangira kubva pamadhora maviri kusvika pamadhora makumi maviri mukati memwedzi miviri.

Vanoti ma bond notes aya anenge aine huremu hwakafanana nedhora rekuamerica. Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vari mukuru wekambani ye Oxlink Capital, VaBrains Muchemwa, vanoti vanhu ndivo vane izwi rekupedzisira pakushanda kwemabond notes.

Asi vati ivo mbune havaone achikwanisa kugadzirisa dambudziko rekushaikwa kwemari uye kugadzirisa hupfumi. Mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, avo vanotiwo ma bond notes haana zvakawanda zvaachachinja.

Hurukuro naVaGodfrey Kanyenze
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG