Accessibility links

Breaking News

Vanhu VemuSouth Carolina muAmerica Vomira neMhuri yekwaDzamara


Sangano reAmnesty International muCharleston, South Carolina muno muAmerica rakaparura chirongwa paFacebook chekukurudzira vanhu pasi rose kuti vatsigire mhuri yemurwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika gore rapera, VaItai Dzamara.

Sangano iri riri kukurudzira vanhu kuti vatorwe mifananidzo ine mashoko ainge akatakurwa nemunin’ina wavadzamara, Doctor Patson Dzamara, pavakarohwa kuNational Sports Stadium musi wezuva rekuwana kuzvitonga kuzere ekuti vanhu vakasununguka asi munyika hamuna rugare uye kuti itai aripi.

VaPatson Dzamara vakarohwa zvakaipisisa nevanofungiudzirwa kuti vasori nemapurisa mushure mekuratidzira uku.

Vari kutungamira hurongwa uhu muCharleston Amai Anna Shockley vaudza Studio 7 kuti vakatombonyora tsamba kumutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemukuru wemapurisa VaAugustine Chihuri vachikurudzira kuti vatsvage kuna VaDzamara.

Amai Shockley vati semudzimai vari kurwadziwa kuti mudzimai waVaItai Dzamara, Amai Sheffra ari kunzwa sei kubva zvapambwa murume wake.

Vati vanhu vemuSouth Carolina vakawanda vari kushushikana zvakanyanyaya nekupambwa kwaVaDzamara.

Doctor Dzamara vaudza Studio 7 kuti vari kufara nedanho ratorwa neAmnetsy International kuSouth Carolina rekumira nemhuri yavo.

Hurukuro naVaPatson Dzamara
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanoda kutumira mifanidzo yavo kutsigira kuratidzira uku vari kukurudzirwa kuti vaatumire paemail inoti annascadp@gmail.com.

XS
SM
MD
LG