Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vopinda Muchipatara kuSouth Africa


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri webato guru rinopikisa reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai vanonzi vari muchipatara kuSouth Africa sezvo vasiri kunzwa zvakanaka.

Munyori mukuru webato reMDC-T VaDouglas Mwonzora vanoti VaTsvangirai vakavhiyiwa navana chiremba uye iko zvino vave kunzwa zviri nani uye vakati chikumbiro chakaitwa nemutungamiri webato ravo chekuti vanhu vazive nezvekurwara uku.

“Isu takasiyana neZanu-PF yekuti mutungamiri wavo akaita zvinodzimba zvoda kuhwandiswa hwandiswa. VaTsvangirai vati tipe mashoko kuZimbabwe ekuti havasi kunzwa zvakanaka vari kuhospital kuSouth Africa asi dambudziko ravo ragadziriswa navanachiremba ikozvino vari muhospital vachi recover havo. After a few days vachange vachiuya kuZimbabwe kuzoshanda zvekare”

Vachipindura mashoko ekuti sei VaTsvangirai vaenda kunorapwa kuSouth Africa, VaMwonzora vanoti iyi ikurudziro yakaitwa navanachiremba vavo.

"Vakanga vari kuna chiremba wekuZimbabwe. Chiremba wekuZimbabwe ndiye akazovatumira kuSouth Africa nekuti zvange zvichida kugadziriswa zvacho zvinogonekwa nachiremba ari kuSouth Africa anova mazvikokota.”

VaMwonzora vakakumbirawo mhuri yeZimbabwe kuti ipe VaTsvangirai nemhuri yavo mukana wekuti vanaye vakasununguka.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora-t
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG