Accessibility links

Breaking News

Huori Muhurumende Hoendesa Nyika kuMawere


VaPsychology Maziwisa- Zanu-PF MP for Highfield West
VaPsychology Maziwisa- Zanu-PF MP for Highfield West

Nyaya yehuori yanetsa munyika zvikuru mumakambani ehurumende ayo ari kupomerwa mhosva yekuita chikiribidi munyaya yematenda ane mari inosvika mabhiriyoni emadhora.

Nyaya yehuori yanetsa munyika zvikuru mumakambani ehurumende ayo ari kupomerwa mhosva yekuita chikiribidi munyaya yematenda ane mari inosvika mabhiriyoni emadhora.

Huori hunonzi nevakawanda huri kupawo kuti nyika irambe iri mumadhaka. Mapazi ehurumende akaita seremhando dzemoto anonzi akapa basa kunhengo yeZanu-PF, VaPsychology Mazivisa, rekushambadzira kambani iyi kunyangwe paine vanhu vari kuita basa iri.

Kambani yeZesa inonziwo iri kupa VaWicknel Chivhayo mamiriyoni emadhora ekuita zvinonzi nevamwe zviri kuitwa nechikiribidi.

Vakuru kumakambani akaita seZimra neAnti-Corruption Commission vari kuferefetwa pari zvino nenyaya dzehuori.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakatendawo kuti mari inosvika mabhiriyoni gumi nemashanu yemangoda yakatsakatira kwachiyadzwa.

Sachigaro wesangano reZimbabwe Coalition on Debt and Development VaJoy Mabenge, vanoti mutungamiri wenyika anofanira kuona kuti nyaya yehuori yapararira.

Hurukuro naVaJoy Mabenge
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG