Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weTogo Anovhura ZITF Vanorwira Kodzero Vachinyunyuta


VaFaure Gnassingbe
VaFaure Gnassingbe

Mutungamiri we Togo, VaFaure Gnassingbe, vavhura Zimbabwe International Trade Fair, ZITF, zviri pamutemo muBulawayo vachikurudzira vanhu vemuZimbabwe kuti varambe vakashinga kunyange hazvo vakatemerwa zvirango nenyika dzekunze.

Mutungamiri we Togo, VaFaure Gnassingbe, vavhura Zimbabwe International Trade Fair, ZITF, zviri pamutemo muBulawayo vachikurudzira vanhu vemuZimbabwe kuti varambe vakashinga kunyange hazvo vakatemerwa zvirango nenyika dzekunze.

Vati nyika yavo yeTogo yakambotemerwawo zvirango pane imwe nguva. VaGnassingbe vange vachifamba nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Nyika dzinosvika gumi nepfumbamwe dzange dzichiratidzira kumusika mukuru uyu, uye dzinosanganisira, Russia, Botswana, Cyprus, China, Ethiopia ne Germany.

Mutungamiri weTogo akurudzirawo Zimbabwe nenyika dzemuAfrica kuti dzikoshese kukwenenzvera zvigadzirwa zvadzinotengesa kuti dzikwanisewo kubudirira.

VaGnassingbe vapawo mibayiro kumakambani anonzi akagona kushongeza zvinhu anosanganisira yaVaMugabe yeAlpha Omega Dairy, Delta Corporation, bazi rezvekurima, redzidzo, nemamwe.

Asi havasi vanhu vose vari kufara munyika nekuuya kwaVaGnassinbe avo vanonzi nevanopikisa munyika mavo vanotonga nedemo.

Mutungamiri weTogo uyu akasiirwa chigaro nababa vake Va Gnassingbé Eyadéma avo vakatora simba vachishandisa mauto muna 1967. Vakatonga nyika iyi kusvika vafa muna 2005.

Mauto akabva agadza VaFaure Gnassingbe pachigaro nechisimba kunyange hazvo mutauriri wedare reparamende uyo aive kunze kwenyika, aifanirwa kumbobata matomu pamutemo.

Nyika dzekumavirira dzakazomanikidza VaGnassingbe kuita sarudzo asi vanhu vanodarika mazana mana vakafa mukurwisana musarudzo dzinonzi nevanopikisa dzakabirirwa.

Mutungamiri weTogo uyu akarambawo nyaya yekuti atonge matemu maviri sezvaidiwa nevamwe munyika iyi.

Asi munyori mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaJoey Bimha, vanoti Zimbabwe senyika yaona zvakakodzera kuti mutungamiri weTogo avhure zviri pamutemo chirongwa cheZITF.

Hurukuro naVaJoey Bimha
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi nyanzvi munyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika uye vaimboshanda kumuzinda weZimbabwe kuEthiopia, VaClifford Mashiri, vanoti muitiro waVaMugabe hauna kusiyana naVa Gnassingbe, izvo zvakapa kuti vavakoke.

Hurukuro naVaClifford Mashiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG