Accessibility links

Breaking News

VaChinamasa Vodzikisa Tariro yeNyika yeKukwira kweHupfumi


VaPatrick Chinamasa
VaPatrick Chinamasa

Gurukota rinoona nezvemari, VaPatrick Chinamasa, vadzikisa tarisiro yavo yezvikamu zvavange vachifunga kuti hupfumi hwenyika hunokwira nahwo.

Gurukota rinoona nezvemari, VaPatrick Chinamasa, vadzikisa tarisiro yavo yezvikamu zvavange vachifunga kuti hupfumi hwenyika hunokwira nahwo.

Mashoko aya aburitswa kuvatori venhau nebazi rezvemari iro rati riri kufunga kuti hupfumi huchakwira nechikamu chimwe chete nezviga zvina kubva muzana, kana kuti 1.4%.

Zimbabwe yainge yati hupfumi hwenyika hwaizokwira nezvikamu zviviri nezviga zvinomwe kubva muzana kana kuti 2.7%.

Mashoko aya anouya apo sangano reZimbabwe National Statistics Agency kana kuti Zimstat rinoti mutengo yezvinhu munyika iri kuramba ichiderera zvichienzaniswa negore rapera izvo zvinonzi nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi munongedzo wekuti hupfumi hwenyika hauna kumira zvakanaka.

Zimstat inoti mitengo yezvinhu yakaderera ne1,6% muna Kubvumbi mushure mekumboderera ne2,31% muna Kurume.

Zimbabwe inonzi nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi yapinda mune inonzi deflation yekuti mitengo yezvinhu inoramba ichiderera zvichapa kuti makambani akawanda avharwe.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti Zimbabwe inofanira kuvandudza mitemo yayo kuti ikwezve vekunze vanozouya kuzotanga mabasa munyika.

VaChitambara vayambira kuti makambani akawanda achavharwa zvichapa kuti vanhu vashaye mabasa.

Hurukuro naVaProsper Chitambara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG