Accessibility links

Breaking News

Nyaya dzeHutano Dzoomera Vakawanda kwaMutoko


Ishe Mutoko vanoti hurombo hwakawedzerwa nenzara iriko gore rino hwasiyawo veruzhinji vari parumana nzombe munyaya dzehutano nekuda kwekusawanikwa kwemari.

Kunyange hazvo bumbiro remitemo yenyika richipa kodzero yehutano kuvagari vemuZimbabwe, veruzhinji vanoti havasi kuwana kodzero iyi nekuda kwematambudziko akasiyana siyana anosanganisira kuondomoka kwohupfumi kwasiya veruzhinji vasina mabasa pamwe nehurombo hwatekeshera munyika.

Vagari vekwaMutoko, sekungochema chema kuri kuita vanhu mumativi mana enyika, vanoti vari klurwadzikana zvikuru nekupara kwaita zvinhu munyaya dzehutano mudunhu ravo.

Mumwe mugari wekwaMutoko, VaPhillip Muyengwa, vanoti kunyange hazvo hurumende yakavaka makirinika, Zimbabwe ichangowana rusununguko, makirinika mazhinji aya angova matemhe asina chinhu sezvo zvipatara izvi zvisisina mishonga.

VaMuyengwa vanotiwo muzvupatara izvi hamuna vaana mukoti nana chiremba vakakwana

Mumwe mugari wekwaMutoko, Amai Rabecca Mapurani, vanotsigirawo nyaya yekuondomoka kwehupfumi vachiti vari kusangana nendufu zhinji nekuda kwekushaikwa kwavana chiremba pamwe nekushaikwa kwemishonga mumakirinika ari mudunhu ravo.

Ishe Mutoko vanoti hurombo hwakawedzerwa nenzara iriko gore rino hwasiyawo veruzhinji vari parumana nzombe munyaya dzehutano nekuda kwekusawanikwa kwemari.

Hurumende yakamboisa chisungo chekuti panosvika 2000 munhu wese wemuZimbabwe anofanirwa kunge owana hutano hwakakwana.

Asi makore gumi nematanhatu mushure ma 2000, zvinhu zvakaita manyama amire nerongo munyaya dzehutano, izvo zviri kuita kuti VaMuyengwa nevamwe veruzhinji, vaomerwe nehupenyu. .

Zimbabwe iri kudzokera kumashure munyaya yekuwanisa zvizvarwa zvayo hutano hwakakodzera, izvo zvinonzi nenyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, zviri kukonzerwa nekutadza kutonga kuri kuitwa nehurumende yeZanu PF kubva nyika yawana kuzvitonga muna 1980..

Kunyange hazvo mugore ra1985 sangano rinoona nezveutano pasi rese reWorld Health Organisation rakarumbidza Zimbabwe nekugona kwayo kusimudzira hutano hwakanaka hwevanhu, nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti zvinosuwisa kuti Zimbabwe yakadzokera mumashure zvakanyanyisa huye zvizvarwa zvayo zvizhinji hazvikwanisi kuwana mari yekuenda kuzvipatara.

Zvipatara hazvisisina mishonga huye vana chiremba nana mukoti vari kuenda kune dzimwe nyika sezvo hurumende yeZimbabwe ichivapa mari yepasi-pasi pamwe nekusawanikwa kwemabasa.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG