Accessibility links

Breaking News

Ambassador Thomas Vanoti America Yakagadzirira Kushanda neZimbabwe


Mumiriri weAmerica muZimbabwe VaHarry Thomas.
Mumiriri weAmerica muZimbabwe VaHarry Thomas.

Mumiriri weAmerica muZimbabwe VaHarry Thomas vanoti nyaya yehuori uye kutonga nedemo ndiyo yapa Zimbabwe kuti iyende kumawere kwete nyaya yezvirango.

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaHarry Thomas, vanoti nyaya yehuori uye kutonga nedemo ndiyo yapa Zimbabwe kuti iyende kumawere kwete nyaya yezvirango.

Muhurukuro yavaita neStudio 7, VaThomas vati zvirango zvakatemerwa vanhu vashoma shoma uye America iri kudyidzana nevanhu vasiri pazvirango.

Vatiwo chiri kupa kuti Zimbabwe isakwereteswe mari nenyika uye mabhanga akaita seIMF neWorld Bank inyaya yekutadza kubhadhara zvikwereti.

VaThomas vatiwo America iri kubatsira vanhu vemuZimbabwe nechikafu uye mishonga pamwe nekudzidzisa vechidiki vemuzimbabwe.

Vanotiwo vari kuvaka muzinda mukuru muzimbabwe urikuunza mabasa kuzvizvarwa zvezimbabwe.

Mumiriri weAmerica uyu akurudzirawo Zimbabwe kuti isimbaradze nyaya yehutongo hwejekerere zvinosanganisa kusimbaradza kutsvaga murwiri wekodzero dzevanhu VaItai Dzamara uye kuita kuti bumbiro remutemo riyananiswe nemimwe mitemo.

VaThomas vanoti zvizhinji zvavari kutaura zvido zvevana veZimbabwe kwete zveAmerica.

Chipangamazano musangano reCrisis in Zimbabwe Coalition kuchambembe kweAfrica, VaJoy Mabenge, vanoti zvakakosha kuti Zimbabwe izadzikise zvido zvevana vayo kwete kuda kungonongedza zvigunwe kune vekunze.

Asi sachigaro weZanu-PF kuBritain, VaNick Mangwana, vanoti zvirango zveAmerica zvauraya nyika.

Hurukuro naVaJoy Mabenge naVaNick Mangawana
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG