Accessibility links

Breaking News

Dare rePamusoro Ropa MDC-T Mvumo yeKuratidzira kuBulawayo


demo mdc

Dare repamusoro reHigh Court muBulawayo nemusi weChina rakapa bato rinopikisa reMDC-T mvumo yekuti riratidzire muguta reBulawayo.

Bato reMDC-T nemusi weChipiri rainge raendesa kumatare gurukota rezvemukati menyika VaIgnatious Chombo uye mukuru wemapurisa VaAugustine Chihuri vachivapomera mhosva yekutyora mutemo nekuda kudzivisa kuratidzira uku.

Mumapapepa avainge vatura kumatare, vanoona nezvekurongwa kwemabasa muMDC-T muBulawayo VaJames Sithole vakati kuratidzira kwavo kwainge kwakanangana nekuda kuburitsa pachena kusafara kwebato ravo nekusafambiswa zvakanaka kwavanoti kuri kuitwa nehurumende uye nyaya dzehuori.

Asi mapurisa ainge aramba kuti kuratidzira kuenderere mberi achiti kumwe kuratidzira kwainge kwaitwa muHarare kwainge kwaguma kwoita mhirizhonga.

Kuratidzira kwemuBulawayo uku kuchatanga na 10 mangwanani kubva paBulawayo City Hall kuchizoperera pa Lobengula Kraal muna Masotsha Ndlovu Avenue na 2 dzemasikati.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG