Accessibility links

Breaking News

VaMangudya Vodaidza Vane Mazita Ari muPanama Papers


Zimbabwean central bank governor John Mangudya delivers his 2016 Monetary Policy statement in Harare, Feb. 4, 2016.
Zimbabwean central bank governor John Mangudya delivers his 2016 Monetary Policy statement in Harare, Feb. 4, 2016.

Gavhuna webhanga guru renyika, Reserve Bank of Zimbabwe, RBZ, Doctor John Mangudya, vanoti mumazuva mashoma anotevera vari kuzodaidza vana muzvinabhizimisi vose vane mazita akabuda mumapepa ave kuzivikanwa nerekuti Panama Papers.

Gavhuna webhanga guru renyika, Reserve Bank of Zimbabwe, RBZ, Doctor John Mangudya, vanoti mumazuva mashoma anotevera vari kuzodaidza vana muzvinabhizimisi vose vane mazita akabuda mumapepa ave kuzivikanwa nerekuti Panama Papers.

Vanhu ava vanonzi vaiendesa mari kunze kwenyika zviri kunze kwemutemo.

Pari kuda kuitwa ongororo yekuti zvaiitwa izvi zviri pamutemo here kana kuti kwete.

Mapepa aya akonzera zinyekenyeke munyika dzakawanda uye VaMangudya vanoti kuendesa mari kunze kwenyika zvisiri pamutemo zvave kukonzerawo kuti munyika mushaikwe mari yekuAmerica.

Panofungidzirwa kuti pane vana muzvinabhizimisi vanodarika mazana maviri nemakumi masere vemuZimbabwe vabatwa mumambure ePanama Papers.

Magwaro aya ane mafaira anodarika mamiroyoni gumi nerimwe, ayo ane mazita evanhu vakapfuma pamwe nevezvematongerwo enyika vanonzi vaishandisa kambani iyi kuti ivhure makambani evanhu ava ekuchengetera mari dzavo kunze kwenyika dzavo.

Izvi zvinonzi zvaikaitwa nevamwe vachityora mitemo ine chekuita nekufambiswa kwemari pasi rose. Kuvhura kambani kunze kwenyika haisi mhosva. Asi zvinozoitwa kambani yavhurwa zvinonzi zvinofanirwa kunge zvichiitwa pamutemo.

Mossack Fonseca ine muzinda wayo kuPanama, uye ine mahofisi anodarika makumi mana pasi rose.

Dzihurumende dzkawanda, kusanganisira France, Germany, Australia ne South Korea dzinoti dziri kuferefeta vanhu vanonzi vakavhura mabhuku ekubhanga vachishandisa kambani yeMossack Fonseca.

Studio7 yakaburitsa nyaya yekambani yeZimplats, iyo inonzi yakaumba kambani yeHR Consultancy kuti itambire mari inobva kuZimplats, kambani iyi ichizobhadhara vashandi vakuru vakuru vekambani iyi.

Zimplats inoti haina kana kumboumba kambani yakadai, uye zviri mumagwaro eMossack Fonseca, handi zvechokwadi.

Mutauriri weMossack Fonseca, VaJordan Spencer, vanoti havakwanisi kutaura nevatori venhau nezvenyaya iyi.

Kambani yeNorthern Wychwood, iyo yakabatsira mukunyoreswa kweHR Consultancy kuBritish Virgin Islands, ine vakuru vakuru vanova kuZimbabwe, asi vava nemagwaro ekufambisa ekuEngland.

Vakuru ava vanosanganisira chizvarwa chekuSouth Africa, VaShaun Fergusson Cairns nemudzimai wavo, Tracy Cairns, VaBryan Campion Ellis, avo vakabva kuZimbabwe uye vakamboshandira makambani emagweta muHarare, VaPeter Whitney Fearnhead nevamwe.

Vamwe vevanhu vari mumagwaro eMossack Fonseca vanosanganisira vakuru vakuru veInnscor Africa, VaZinona Koudounaris naVaMichael Fowler; mukuru weZimplats, VaAlex Mhembere, mukuru mukuru kuSable Chemicals, VaJackson Murehwa, mukuru mukuru mumakambani anoita zvemigodhi, VaVictor Robinson Gapare nevamwe.

Vachitaura vakamirira VaKoudounaris naVaFowler, chipangamazano munyaya dzemitemo mu Innscor Africa, VaAddington Chinake, vanoti vaviri ava havana kutyora mitemo ine chekuita nekufambiswa kwemari, iyo inosanganisira yebanga guru renyika.

Asi gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya, vanoti bhanga ravo harina ruzivo rwekuti vaviri ava vane mari dzavakaisa kunze kwenyika.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaMhembere, avo vanonzi vari kunze kwenyika, sekutaura kwemutauriri weZimplats, Amai Busi Chindove.

Studio7 hainawo kukwanisa kunzwa kuna VaMurehwa naVaGapare.

Studio7 iri kuburitsa mamwe mazita evanhu vari mumagwaro eMossack Fonseca atiri kuongorora. Ticharamba tichiburitsa mazita aya sezvo veruzhinji vari kuda kuziva nezvavanhu ava.

Mukuburitsa mazita aya, hatisi kuti vanhu ava vakapara mhosva kana kuti havana kupara mhosva. Mazita aya ari kuburitswa sezvo veruzhinji munyika vari kuda kuzivawo vanhu vemuZimbabwe vari mumagwaro ePanama Papers.

Kana muchida kuona mazita evanhu nemakambani acho, ayo akaumbwa kuBritish Virgin Islands neku Isle of Man, vhurai link iri pasi iyi. Kana paine mashoko amunopokana nawo, titumirewo tsambambozha kustudio7@voanews.com.

Munokwanisawo kutumira mashoko paFacebook Page yedu voashona

http://docs.voanews.eu/en-ZW/2016/05/10/ef555f16-d88a-48ba-b218-e5c8206c610a.doc

Zvichitevera kuburitswa kwenyaya dzePanama Papers, vanhu vemuIceland vakaratidzira kudzamara mutungamiri wenyika iyi, VaSigmundur David Gunnalaugsson, vasiya chigaro.

Mutungamiri wenyika iyi mumwe wevatungamiri vanonzi vakaviga mari dzavo munyika dziri kushandiswa nevapfumi mukuvanza mari dzavo vachityora mitemo yekufambiswa zviri pachena kwemari pasi rose.

France, Germany, Australia ne South Korea dzinoti dziri kuferefeta zvizvarwa zvenyika idzi zviri mumagwaro ePanama Papers.

Hurukuro naVaJohn Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG