Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yovandudza Mitemo yeKuvamba Mabhizimisi


Zimbabwe Investment Authority
Zimbabwe Investment Authority

Zimbabwe Investment Authority inoti kuvandudzwa kuri kuda kuitwa mitemo gumi nemitatu nehurumende ine chekuita nezvehupfumi kusvika muna Chikumi kwakanangana nekurudziro dzinoitwa nebhanga guru repasi rose reWorld Bank.

Sangano reZimbabwe Investment Authority, ZIA, rinoti kuvandudzwa kuri kuda kuitwa mitemo gumi nemitatu nehurumende ine chekuita nezvehupfumi kusvika muna Chikumi kwakanangana nekurudziro dzinoitwa nebhanga guru repasi rose reWorld Bank iro rinoburitsa gwaro rinoratidza nyika dziri nyore kutanga bhizimisi kana kuti Ease of Doing Business Report.

Munyori wedare remakurukota, Doctor Misheck Sibanda, vakaudza vemabhizimisi kuZimbabwe International Trade Fair kuti chirongwa chekuvandudza mitemo ichi chiri kufambira mberi zvakanaka uye vanofunga kuti chichabatsira kukwezva vemabhizimisi vekunze.

Pagwaro reWorld Bank rekutanga mabhizimisi ra2016, Zimbabwe iri pachidanho chezana nemakumia mashanu kubva panyika zana nemakumi masere nepfumbamwe.

Munyika dzepasi rose Singapore ndiyo iri pamusoro soro, uye muAfrica i Rwanda.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti Zimbabwe inofanira kuvandudza mutemo wekuendesa hupfumi kuvatema uyo unonzi nevakawanda hauna kumira zvakanaka.

Makurukota ehurumende anogara achipokana nezvemashandiro awo mutemo uyu.

Mukuru wesangano reZimbabwe Investment Authority, VaRichard Mbaiwa, vanoti zvakakosha kuti mitemo ivandudzwe kuitira kuti ikwezve vekunze uye kuti vanhu vatange kuwana mabasa.

Hurukuro naVaRichard Mbaiwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG