Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vabatana nevamwe vatungamiri vedzimwe nyika kuUganda uko kwange kuchigadzwa mutungamiri wenyika iyi VaYoweri Museveni.
Aka ndekechishanu VaMuseveni vachitora mhiko yekutungamira nyika yeUganda. VaMuseveni vakatanga kutungamira nyika iyi muna 1986. Vane makore makumi manomwe nerimwe ekuberekwa.
Asi vanorwira kodzero dzevanhu vari kushorawo VaMuseveni nekusunga mutungamiri webato guru rinopikisa munyika iyi VaKizzza Besigye avo vari kunyunyuta kuti sarudzo dzakabirirwa.
VaBisgye vakasungwa muKampala neChitatu mushure mekunge vatsigiri vavo vaungana vachida kuvaona. Mapurisa anonzi akatora izvi sekuratidzira.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda nesangano recrisis in Zimbabwe Coalition VaJoy Mabenge vanoti VaMugabe havaifanira kuenda kuUganda nekuti hazvisi zvinhu zvakakosha iyo nyika yakatarisana nematambudziko.
Vamwe vatungamiri venyika vange variko vanosanganisa vanobva kuChad, Somalia, Ethiopia, South Africa neSouth Sudan.