Bato reMDC Alliance riri kupomera hurumende mhosva yekushandisa mapurisa nematare sechamboko chekuranga vanopikisa uye vatori venhau
Vemabhizinesi vaparura chirongwa chekubaya vanhu nhomba vachishanda pamwe chete nehurumende nechinangwa chekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Masangano makumi mana nematanhatu anoumba sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition aita chisungo chekuenda kuparamende pamwe nematare edzimhosva nechinangwa chekumisa bhiri remutemo weConstitutional Amendment Bill No.2 kuti risazeyiwe nedare reSenate.
Mubatanidzwa wemasangano evashandi vehurumende, weZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, wanyorera gurukota rezvevashandi nemabasa, Muzvinafundo Paul Mavima, tsamba uchinyunyuta nekwaunoti kubvundutsirwa kwevashandi vehurumende.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nhasi vatura mashoko avo kunyika yeAmerica pamberi pematare maviri eHouse of Representatives neSenate mudare reCapital Hill muWashington DC.
Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, votarisirwa kutaura nhasi manheru mudare re Congress pamusoro pemashandiro ehurumende yavo pamwe nehurongwa hwayo hwekudyidzana nedzimwe nyika zvichitevera kusvitsa kwayaita mazuva zana kubva musi wagadzwa vabiden semutungamiri weamerica musi wa Ndira 20, 2021.
Mumiriri wesangano reWorld Health Organization muZimbabwe, Dr Alex Gasasira, varumbidza zviri kuitwa nehurumende mukurwisa denda reCovid-19 asi vayambira kuti vanhu havafanirwe kurivara mukuramba vachitevedzera zvose zvinokurudzirwa nenyanzvi dzezvehutano
Dare repamusoro nhasi rarasa mhosva yanga ichipomerwa mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, yekuburitsa mashoko emanyepo richiti mutemo wakashandiswa kusunga Chin’ono wakabviswa kare mumabhuku emitemo yenyika.
Mutungamiri wenyika yeBotswana VaMokgweetsi Masisi vanoti havasi kukwanisa kuenda kumusangano we Extraordinary SADC Troika Summit kuMaputo uko vange vachifanira kuzeya nezvehondo iri munyika iyi nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa uye mutungamiri weSouth Africa VaCyril Ramaphosa.
Kunyangwe vange vamboendeswa kuchipatara cheParktown nemusi weChina, Muzvare Mamombe vakamanikidzwa kubuditswa muchipatara ichi nevanofungidzirwa kuti vasori kunyangwe vanachiremba vaiti vaifanira kugara muchipatara vachivhenekwa.
Vamwe vagari vekuChikukwa nemamwe matunhu eku Chimanimani, mudunhu reManicaland, vanonzi vari kuita dambudziko remombe dzavo dzinenge dzarasika dzichipinda muMozambique dzichibva dzabatwa ikoko.
Rodhai zvimwe