MDC T inotungamirwa naVaDouglas Mwonzoro inoita musangano kudunhu reMatabeleland wekuzivisana nevatsigiri vayo pamwe nekuzeya nzira dzekuwedzera mavhoti mudunhu iri kuitira kuti panozoitwa sarudzo, bato iri rinenge riine vatsigiri vakawanda.
Vamwe vabereki vane vana muzvikoro zvakasiyana siyana munzvimbo dzakatenderedza Nyika growth point kuBikita vanoti vari kutyira hupenyu hwevana vavo sezvo vana vadiki vari kuurayiwa mudunhu iri nevanhu vanofungidzirwa kuti vanenge vachiita zvemishonga yechivanhu.
Sangano rePremier Soccer League rinoti riri kuunganidza vanhu vachabatsira zvikwata zvenhabvu kutevera zvinodiwa pakudzivirira chirwere cheCovid 19 mugadziriro yaro yekudzoka kwemitambo yenhabvu munyika.
Mari inodiwa nemhuri yevanhu vashanu pamwedzi inonzi yakakwira kuenda pamadhora zviuru makumi maviri nezvisere zvine mazana matatu nemakumi matanhatu emari yemunyika muna Kubvumbi, kubva pamadhora zviuru makumi maviri nezvitanhatu nemazana mashanu ane makumi matanhatu muna Kurume
Bato reMDC Alliance riri kupomera hurumende mhosva yekushandisa mapurisa nematare sechamboko chekuranga vanopikisa uye vatori venhau
Vemabhizinesi vaparura chirongwa chekubaya vanhu nhomba vachishanda pamwe chete nehurumende nechinangwa chekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Masangano makumi mana nematanhatu anoumba sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition aita chisungo chekuenda kuparamende pamwe nematare edzimhosva nechinangwa chekumisa bhiri remutemo weConstitutional Amendment Bill No.2 kuti risazeyiwe nedare reSenate.
Mubatanidzwa wemasangano evashandi vehurumende, weZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, wanyorera gurukota rezvevashandi nemabasa, Muzvinafundo Paul Mavima, tsamba uchinyunyuta nekwaunoti kubvundutsirwa kwevashandi vehurumende.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nhasi vatura mashoko avo kunyika yeAmerica pamberi pematare maviri eHouse of Representatives neSenate mudare reCapital Hill muWashington DC.
Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, votarisirwa kutaura nhasi manheru mudare re Congress pamusoro pemashandiro ehurumende yavo pamwe nehurongwa hwayo hwekudyidzana nedzimwe nyika zvichitevera kusvitsa kwayaita mazuva zana kubva musi wagadzwa vabiden semutungamiri weamerica musi wa Ndira 20, 2021.
Mumiriri wesangano reWorld Health Organization muZimbabwe, Dr Alex Gasasira, varumbidza zviri kuitwa nehurumende mukurwisa denda reCovid-19 asi vayambira kuti vanhu havafanirwe kurivara mukuramba vachitevedzera zvose zvinokurudzirwa nenyanzvi dzezvehutano
Dare repamusoro nhasi rarasa mhosva yanga ichipomerwa mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, yekuburitsa mashoko emanyepo richiti mutemo wakashandiswa kusunga Chin’ono wakabviswa kare mumabhuku emitemo yenyika.
Rodhai zvimwe