Dare repamusoro, reHigh Court, nezuro rakapa mutongo wekuti bato reMDCA Alliance, rinotungamirwa naVaNelson Chamisa, harina kodzero yekuti ripihwe mari inopihwa mapato anenge akwikwidza musarudzo akavhoterwa nevanhu vanodarika zvikamu zvishanu kubva muzana, kana kuti 5%.