Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions kana kuti ZCTU rinoti kusamira zvakanaka kwemitemo yevashandi kwave kupa kuti vashandi vakaita sevave kudzingwa mabasa kuCBZ vamanikidzwe kuenda pamudyandigere vasina chavainacho.
Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFrederick Shava, nevakuru vakuru vemauto vari kuMozambique uko vachapinda musangano wemakurukota enyika dzemudunhu reSADC wekuronga kuti vopindira sei kubatsira Mozambique pakurwisana kwairi kuita nevan pfuri kidzwa mwero mudunhu reCabo Delgado.
Bato reZanu PF rinoti rave kutambira zvakare pasina mibvunzo vose vakambenge vadzingwa mumusangano uyu vachinzi vaive nhengo dzeG40 pamwe nevamwewo vanogona kunge vakambobuda mumusangano nezvikonzero zvakasiyanasiyana.
Mutauriri weZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority anoti zvavari kuita zvekupa vavhimi marezinesi ekuuraya nzou mazana mashanu zviri pamutemo nekuti vakapihwa mvumo nesangano reConvention On International Trade in Endangered Species, kana kuti CITES.
Mutungamiri webato rinopikisa reMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti vanokumbira ruregerero kubva kuruzhinji rwevanhu pamusoro penzira yange ichishandiswa nebato ravo mukusarudza vanomirira bato iri.
Mamwe masangano anomirira varairidzi anoti ari kutambira mashoko ekuti vamwe vabereki mune dzimwe nzvimbo vari kurova nekushungurudza varairidzi muzvikoro zviri munharaunda dzavo.
Nyanzvi munyaya dzezvehutano dziri kuyambira kuti chirwere cheCovid-19 chinogona kunge chapa kuti huwandu hwemadzimai ari kufa achisungunuka huti wedzerei.
Mutungamiriri wevechidiki muMDC Alliance, VaObey Sithole, vakasungwa nemusi weMuvhuro kumatare edzimhosva eRotten Row muHarrae vachipomerwa mhosva yekuita musarinya kana kuti criminal nuisance pachirungu.
Dzimwe nhengo dzebato reMDC-T inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora dzinoti dzanyora gwaro kudare reparamende, ne kune mamwe mapazi ehurumende, vachiti nyaya yemari inotita mamirioni matanhatu emadhora inonzi yakatsakatika mubato iri inofanirwa kutaurwa nezvayo uye vanhu vane mari iyi vasungwe.
Sangano rinoona nezvekuronga mhuri reZimbabwe National Family Planning Council rinoti dunhu reManicaland ndiro rine varume vakawanda vari kuzvipira kutevedzera nzira yekuronga mhuri yevanhurume kana kuti vasectomy inoita kuti vasazokwanisa kuzvarisa.
Mumiriri weMakonde muparamende uye vachangotoresewa mhiko kuve mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaKindness Paradza vanoti nhengo dzebato reZanu-PF dzinofanira kuona kuti makambani ose anoshandira mudunhu mavo apinza basa vana vemunharaunda zvisinei nemagwaro echikoro.
Bazi rezvehutano rakazivisa neSvondo kuti munhu mumwechete akafa neCovid-19 uye vamwe vanhu makumi maviri nevaviri kana kuti 22, vakawanikwa vaine chirwere ichi.
Rodhai zvimwe