Bazi rezvehutano rakazivisa neChitatu kuti vanhu vashanu vakafa neCovid-19 uye vamwe makumi matatu nevapfumbamwe, kana kuti 39, vakawanikwa vaine chirwere ichi pavanhu zviuru zviviri nemazana matatu ane makumi manomwe nevashanu, kana kuti 2 375, vakavhenekwa pachishandiswa mishina yePCR.