Pane nhengo nhatu dzeMDC-T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa dzamhan’ara kumapurisa kuti dzakarohwa nevanhu vari kufungidzirwa kuti inhengo dzebato iri padzaitsvagira VaFelix Magalela Mafa Sibanda rutsigiro rwekuti vadomwe kuve mutevedzeri waVaChamisa.
Vamwe varwere vanoti vave kunorapwa kunze kwenyika zvichitevera kuramwa mabasa kuri kuitwa nevana mukoti vachiti vave kutyira kuti vangafire muzvipatara pasina ari kuvarapa.
Vachitaura munhandare yeNational Sports Stadium manga muchiitirwa mhemberero dzekuzvitonga, VaMnangagwa vati hurumende yavo yagadzira zvose zvinodiwa kuti paitwe sarudzo dziri pachena gore rino.
Vamwe vatsigiri veZanu PF vanoti havasi kufara nevanhu vavari kupihwa nehutungamiriri hwavo kuti vakwikwidze vakamirira bato ravo munzvimbo dzakawanda munyika musarudzo dziri kuitwa gore rino.
Mutungamiri weCoalition of Democrats kana kuti Code, VaElton Mangoma, vanoti mubatanidzwa wavo wakazvipira kushanda nemamwe mapato kuti vabvise hutongi hweZanu PF asi mapato aya anofanira kupinda mumubatanidzwa uyu akaenzana.
Vedzisvondo varatidzira muHarare vachiti vanoda kuti sarudzo dzegore rino dziitwe murunyararo kuitira kuti veruzhinji vasarudze hurumende yavanoda pasina kumbunyikidzwa.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti kuwanda kuri kuramba kuchiita mapato anopikisa kunoratidza hutongi hwejekerere asi kunogona kupa Zanu PF mukana wekukunda musarudzo dzegore rino.
MDCT inotungamirwa naVaNelson Chamisa inonzi yanyorera kuparamende ichikumbira kuti vaimbova mutevedzeri webato iri Muzvare Thokozani Khupe nevamwe vabviswe kuve nhengo dzeparamende zvichitevera makatanwa ari mubato iri.
Dare reparamende iro radzoka neChipiri zvechimbi chimbi kubva kuzororo kuti rizozeya zvinoda kushandurwa pamutemo wesarudzo ratadza kuita izvi mushure mekunge bato guru rinopikisa rati rinoda nguva yekuzeya zvinhu zvitsva zvaunzwa mudare negurukota rezvemutemo.
Vachitaura neStudio7 pamuzinda weZimbabwe Electoral Commission, kana kuti ZEC, sachigaro wekomisheni iyi, Amai Priscilla Chigumba, vati hapana bato richabvumidzwa kuisa vanhu vaviri kana kudarika kuti vakwikwidze pachinzvimbo chimwe chete.
Dare ramejasiatiriti muHarare nemusi weMuvhuro rakatura mutongo wekubvumidza sangano reCrisis In Zimbabwe Coalition kuti riratidzire kusafara kwaro nekunonoka kuri kuitwa nehurumende kuvandudza mitemo inobata sarudzo munyika.
Mubatanidzwa wemapato anopikisa, weRainbow People’s Coalition unotungamirwa nevambova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, wanyorera komisheni inoona nezvesarudzo uchigugunun’una kuti hausi kushevedzwa kumisangano iri kuitwa pakati pekomisheni iyi nemapato ezvematongerwo enyika.
MDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoti pane vachiri muchiuto vari kushanda mukomisheni inowona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, zvainoti izvi zvichaita kuti sarudzo dzegore rino dzive sarudzo dzisina kujeka.
Mutungamiri weMDCT, VaNelson Chamisa, neChitatu vakaparura hurongwa hwekusangana nevatsigiri vavo munzvimbo dzavanogara vachivimbisa veruzhinji kuti makambani mazhinji akavharwa achavhurwa kana vachinge vapinda muhutongi.
Vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika vakamirira MDC Alliance, VaNelson Chamisa, voita hurukuro nevagari vemuGlen Norah. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Varairidzi varatidzira muHarare nhasi vachiti vanoda kuwedzerwa mari dzemihoro pamwe nekuvandudzwa kwemagariro avo. Varairidzi vanga vachisvika zana vaungana pamahofisi esangano rinomirira vadzidzisi reZimbabwe Teachers Association. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Varairidzi vanga vachisvika zana vaungana pamahofisi esangano rinomirira vadzidzisi reZimbabwe Teachers Association paatanga kuratidzira akatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana uye zvimwe zvezvinyorwa izvi zvanga zvakanzi “Musatitambirise mutero wembwa.”
Rodhai zvimwe