Accessibility links

Breaking News

VaMangoma Vanoti Mubatanidzwa Wavo Wakazvipira Kushanda neMamwe Mapato


VaElton Mangoma

Mutungamiri weCoalition of Democrats kana kuti Code, VaElton Mangoma, vanoti mubatanidzwa wavo wakazvipira kushanda nemamwe mapato kuti vabvise hutongi hweZanu PF asi mapato aya anofanira kupinda mumubatanidzwa uyu akaenzana.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatsigiri vavo pakuparurwa kweCode muHarare, VaMangoma vati vakazvipira kushanda nemamwe mapato ezvematongerwo anopikisa kuti vaumbe mubatanidzwa wakasimba asi mapato aya anofanira kunge achida zvehutongi hwejekerere kwete kuzvitutumadza.

Izvi zvatsinhirwawo nemutungamiri webato reZimfirst, VaDereck Lupemba, avo vati vasingade kubatana nevamwe imhandu.

Ataura akamirira bato reMavambo Kusile Dawn, VaTonderai Makoni, vati mapato akabatana ose zvinoapa mukana wekukunda musarudzo dzegore rino.

VaMangoma vati kana vakakunda musarudzo vachashanda zvakasimba kugadzirisa hupfumi hwenyika uhwo hwavanoti hwakaondomorwa neZanu PF.

Vatiwo chimwe chavachaita kugadzirisa kuti nyika ivewo nemari yayo uye kuti vakapihwa minda vawane magwaro anoratidza kuti ndivo varidzi veminda iyi kana kuti ma title deeds.

Mutungamiri weZapu, VaDumiso Dabengwa, avo vanga vakatarisirwa kuuya kumusangano uyu, vangavasipo uye hatina kukwanisa kutaura navo kuti tizive kuti sei vasina kuuya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG