Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Voratidzira Vachidawo Kuwedzerwa Mari


Teachers Demo 1
Teachers Demo 1

Varairidzi varatidzira muHarare nemusi weChipiri vachiti vanoda kuwedzerwa mari dzemihoro pamwe nekuvandudzwa kwemagariro avo.

Varairidzi vanga vachisvika zana vakaungana pamahofisi esangano rinomirira vadzidzisi reZimbabwe Teachers Association paatanga kuratidzira akatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana uye zvimwe zvezvinyorwa izvi zvanga zvakanzi “Musatitambirise mutero wembwa.”

Varairidzi ava vaiimba zvine ruzha vakananga kumahofisi egurukota rinoshanda riri muhofisi yemutungamiri wenyika richiona nezvezvirongwa zvehurumende, VaSimbarashe Mumbengegwi.

Pavakasvika pamahofisi ehurumende aya, mutungamiri weZimta, VaRichard Gundani vati varairidzi vose munyika havasi kufara nemari dzavari kutambiriswa nehurumende vachiti mari dzavari kutambiriswa pari zvino dziri pasi pemari dzinokwanisa kuraramisa mhuri dzavo kana kuti "poverty datum line."

Mutungamiri werimwe remasangano evarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, Doctor Takavafira Zhou, avo vanga vari mumwe wevaratidziri ava vati chimwe chavanoda ndechekuti vadzidzisi vabvumidzwe kutora mazuva avo vasiri pabasa kana kuti "vacation leave." VaZhou vati ikodzero dzemushandi wese kuenda pazororo kana kuti leave.

Zvichakadai, mutungamiri wesangano rinomirira vadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vatiwo varairidzi vekumaruwa vanodawo kuti vawedzerwe mari dzekushanda kwavanoita vari kumaruwa kana kuti "rural allowance" kubva pamadhora gumi nematatu kusvika pamari inoita zvikamu makumi manomwe nezvishanu kubva pamari dzemihoro.

Vakaenderera mberi vachiti kana hurumende ikasatambira zvichemo zvavo havasi kuzoenda kubasa panovhurwa kotoro inouya muna Chivabvu.

Varatidziri ava vakasiyawo magwaro enyunyuto kumahofisi emutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa pamwe nekubazi rinoona nezvevashandi vehurumende.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG