Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inosvitsa Makore Makumi Matatu Yawana Kuzvitonga


Emmerson Mnangagwa Switzerland Davos Forum
Emmerson Mnangagwa Switzerland Davos Forum

Zimbabwe yapemberera kusvitsa makore makumi matatu nemasere nyika yawana kuzvitonga kuzere, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachiti hurumende yavo yagadzirira zvakakwana kuti sarudzo dzakachena dziitwe gore rino.

Asi izvi zvashorwa nemutungamiri weMDC-T, VaNelson Chamisa.

Vachitaura munhandare yeNational Sports Stadium manga muchiitirwa mhemberero dzekuzvitonga, VaMnangagwa vati hurumende yavo yagadzira zvose zvinodiwa kuti paitwe sarudzo dziri pachena gore rino.

VaMnangagwa vatiwo mhemberero dzanhasi dzakakosha zvikuru sezvo kari kekutanga kuti mhemberero idzi dziitwe vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasisiri panyanga.

Mashoko aVaMnangagwa aya ashorwa naVaChamisa, avo vanga varipowo pamhemberero idzi. VaChamisa vati mitemo yose inobata sarudzo inofanirwa kuvandudzwa vachiti izvi hazvitore nguva kana hurumende yakazvipira kuita sarudzo dziri pachena.

VaMnangwagwa vati hurumende yavo iri kushanda zvakasimba kuvandudza hupfumi hwenyika kubudikidza nekusimbaradza nyaya dzekurima, kucherwa kwezvicherwa pamwe nekusimudzira nyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika.

Vaenderera mberi vachiti hurumende yavo iri kushanda zvakasimba kuedza kupedza dambudziko rekushayikwa kwemari mumabhanga zvavati zviri kuita kuti makambani pamwe neveruzhinji vawomerwe nehupenyu.

Asi VaChamisa vashora VaMnangagwa vachiti hapana chavataura chinopa pundutso kuvashandi vehurumende vari kutambira mari shoma kunyanya vadzidzisi navana mukoti avo vari kuramwa mabasa.

VaChamisa, avo vanoti nyaya yerusunguko rweZimbabwe haisi yebato reZanu PF chete asi kuti chizvarwa cheZimbabwe, vatambirwawo nemufaro mukuru neveruzhinji vanga vakazadza nhandare zvekupfachukira zvaita kuti zviuru nezviuru zvevanhu zvitadze kupinda munhandare iyi.

Mushure memashoko emutungamiri wenyika, veruzhinji varatidzwa zviratidzwa zvinoitwa nevanhu vanenge vakawanda kana kuti ma mass displays aitwa nevana vechikoro, mapurisa pamwe nemauto uye vakazoona mutambo wenhabvu watambwa pakati pechikwata cheZimbabwe nechekuBotswana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG