Accessibility links

Breaking News

Varwere Voenda Kunze kweNyika Kunorapwa


FILE - Cholera patients drink treated water inside an admission ward at Budiriro Polyclinic in Harare, Zimbabwe.
FILE - Cholera patients drink treated water inside an admission ward at Budiriro Polyclinic in Harare, Zimbabwe.

Vamwe varwere vanoti vave kunorapwa kunze kwenyika zvichitevera kuramwa mabasa kuri kuitwa nevana mukoti vachiti vave kutyira kuti vangafire muzvipatara pasina ari kuvarapa.

Tsvangiridzo yaitwa neStudio 7 yaburitsa pachena kuti vamwe varwere vave kuenda kune dzimwe nyika dzakaita seSouth Africa, Botswana neZambia kuti vanobatsirwa ikoko zvichitevera kuramwa mabasa kuri kuitwa navana mukoti.

Mumwe wevarwere vatataura navo vari paParirenyatwa, Amai Molline Chindove, vati vave nemazuva vachiuya kuchipatara kuti vabatsirwe asi hapana chiri kufamba.

Amai Chindove vati vave kutoenda kuSouth Africa kunorapwa vachityira kuti vangafe nenyota iwo makumbo ari mumvura.

Mumwe ane hama iri kurwara, Amai Fiona Muchabaiwa, vati havasisina zvokuita kunze kwekutakura murwere wavo kuenda kuZambia mangwana kuti anorapwa vachiti izvi zviri kuvadhurira.

Tsvagiridzo yaitwa neStudio 7 yaburitsa pachena kuti zvipatara zvehurumende zvizhinji zvanga zvakavharwa zvave kukonzera kuti veruzhinji vari kuda kurapwa vabve kuzvipatara zvehurumende kuti vanorapwa muzvipatara zvinoshanda zvakazvimirira.

VaWilbert Kasanze vanoti vatotakura mudzimai wavo kubva kuChegutu General Hospital kuti azorapwa pane chipatara chinoshanda chakazvimirira chiri muChitungwiza.

VaKasanze vanoti kukwira bhazi zuva-nezuva kubva kuChegutu kwavanogara kuenda kuChitungwiza kuri kuita kuti homwe yavo ibooke.

Bhodhi rinoona nezvekupinzwa mabasa kwevashandi vezvehutano, reHealth Services Board, raburitsa mashoko ekuti vana mukoti vari pazororo vadzoke kubasa izvozvi.

Bhodhi iri ratiwo vose vari kuramwa mabasa vadzingwa uye rakurudzira vadzingwa basa ava kuti vanyore tsamba dzekutsvaga basa zvakare kana vachiri kuda basa.

Izvi zvinotevera mashoko akaburitswa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vachiti vakoti vese vari kuramwa mabasa vadzingwe pabasa.

Asi sangano re Zimbabwe Doctors for Human Rights rinoti kudzingwa kwakaitwa vana nehurumende mukoti pasina magwaro ekuvadzinga basa, kunenge kuri kunze kwemutemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG