Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nhengo dzeZanu PF Dzonyunyuta neKudzikirwa Vachamirira Bato muSarudzo


Bato reZanu PF
Bato reZanu PF

Vamwe vatsigiri veZanu PF vanoti havasi kufara nevanhu vavari kupihwa nehutungamiriri hwavo kuti vakwikwidze vakamirira bato ravo munzvimbo dzakawanda munyika musarudzo dziri kuitwa gore rino.

Nhengo dzeZanu PF idzi, idzo dzinoti dzakaumba sangano revanhu vasiri kufara nezviri kuitwa izvi riri kuzvidaidza kuti National Zanu PF Aggrieved Voters Association, dzaudza vatori venhau muHarare kuti vanhu vavari kupihwa inhengo dzechikwata cheG40, icho chaitsigira vaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemudzimai wavo Amai Grace Mugabe.

Sachigaro wesangano iri, VaAustin Chindeka, vati ruzhinji rwevatsigiri veZanu PF harwusi kufara nekuti hutungamiri hwavo mumapurovhinzi akawanda huri kuvapa vanhu vavasiri kuda vakaita saVaPhillip Chiyangwa, VaJimayi Muduvuri vanobva mudunhu reMashonaland West pamwe naVaEsau Mupfumi veku Manicaland vachinzi havakwikwidzwe.

Mashoko aVaChindeka aya anouya apo sachigaro weZanu PF kuMashonaland West, VaZiyambi Ziyambi, vakaburitsa mashoko ekuti vanhu vane zvigaro zviri pamusoro mumusangano wavo havasi kuzokwikwidza kuti vamirire bato ravo musarudzo.

Nyaya ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaChindeka vati vose vanozivikanwa kuti vaive nhengo dzeG40 vanofanirwa kupihwa zvigaro zviri pasipasi mumusangano kwete kuti vatangire pazvigaro zvepamusoro mumusangano wavo.

VaMisheck Ngazimbe, vanove munyori musangano renhengo dzeZanu PF dzisiri kufara idzi, vatiwo vari kukurudzira kuti veruzhinji vavhotere bato ravo vachiti havasi kuzokavira bhora musango sezvakaitwa musarudzo dzemuna 2008.

VaNgazimbe vati nyangwe zvazvo nguva yekusvitsa mazita kubato ravo kuti vakwanise kukwikwidza musarudzo yapera, zvakakosha kuti bato ravo rigadzirise nyaya iyi vachiti izvi zvinogona kuita kuti Zanu PF ikundwe musarudzo.

Zvichakadai, imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaVivid Gwede, vaudza Studio 7 kuti Zanu PF rave zuru rakapinda nyoka.

Hatina kukwanisa kutaura nemurongi wemisangano muZanu PF, VaEngelbert Rugeje, kuti tinzwe pamire bato ravo panyaya iyi sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo. Hatinawo kukwanisa kunzwa mativi aVaChiyangwa, VaMuduvuri, pamwe naVaMupfumi panyaya iyi.

Kunyange hazvo muine kunetsana kunonzi kuchirimo muZanu PF zvichitevera kubviswa pachigaro kwakaitwa VaMugabe zvichitevera kupindira kwakaita mauto pasi pechirongwa chaaidaidza kuti Operation Restore Legacy, VaRugeje vakabuda mumapenhau masvondo mashoma adarika vachiti bato ravo riri kugadzirira kukunda musarudzo.

Nyaya ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG