VaChamisa vakatiwo vana vechikoro vedzidzo yepasi vachange vave kudzidza pachena kana vachinge vapinda muhurumende.
Asi VaGutu vanoti havangadzingwe mubato nemutungamiri webato asiri pamutemo.
Gwaro iri rinoratidzawo zvakare kuti pane zvizvarwa zvakawanda zvekuChina zvakaburitsawo mazakwatira emari zviri kunze kwemutemo.
Mutungamiri weMDC-T, VaNelson Chamisa, vari kukurudzira hurumende kuti igadzirise matambudziko ari kusangana nanachiremba nevana mukoti munyika kuitira kuti nyika isarasikirwe nehupenyu hweveruzhinji.
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vachidzidzisa paUniversity of Pretoria, Doctor Tyanai Masiya, vanoti dare repamusoro soro harisi kubata zvakanaka nyaya yevavhoti vari kunze kwenyika.
Vanorwira kodzero dzevanhu pamwe nevemapato ezvematongerwo enyika nhasi vaungana paAfrica Unity Square vachirangarira mutungamiri weOccupy Africa Unity Square, VaItai Dzmara, avo vakapambwa vakatsakatika nevanofungidzirwa kuti vasori makore matatu apfuura.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti kusawirirana kuri muMDC-T pari zvino kunodzosera kumashure zvinangwa zvevaimbova mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, avo vakashayika mwedzi wapera.
National Council yeMDC-T yabuda nechisungo ichi kuitira kuti VaChamisa vave mutungamiri webato azere, kwete kuti vafanobate chigaro chemutungamiri webato.
Mumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC-T, VaNelson Chamisa, vanoti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa haina chayakaita chinobatika kubva pakapinda VaMnangagwa muhutongi.
Kunetsana mumhuri iyi kwakatanga kubuda pachena parufu rwaVaTsvangirai apo amai waVaTsvangirai, Ambuya Lydia Tsvangirai vakabuda panhepfenyuro vachiti vaisada kuona muroora wavo nezvikonzero zvisina kunyatsobuditswa pachena.
Munhu mumwe chete anonzi akaurayiwa vamwe vaviviri vakakuvadzwa zvakaipisisa nezuro manheru mukati meguta reHarare apo mapurisa arwisana nevanhu vainyunyuta nenyaya yekurambidzwa kwemakombi kupinda pakati peguta reHarare.
Vanhu vakawanda vochema chema nehurongwa hwekurambidza makombi kupinda mukati meguta reHarare. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Mugari wekuWarren Park, VaHubert Khona, vanoti vaburutsirwa kuShowground vakazopedzisa rwendo rwavo netsoka kupinda mudhorobha. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Mumwe mugari wekuChitungwiza uye achishanda pane chimwe chitoro chiri pakati pedhorobha, VaLiberty Mombendambe, vati zvavatorera nguva yakareba kuti vafambe kubva kuCoca-Cola kwavaburutsirwa kuti vapinde mudhorobha. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Mugari wekuKuwadzana, Muzvare Joice Chabikwa, vati vaburutsirwawo paShowground zvava kuvadhurira kuti vapinde mudhorobha sezvo vachiti vave kutoita zvekutsvaga dzimwe motokari dzinovapinza mudhorobha kana vachinge vaburitsirwa munzvimbo dzakatarwa nekanzuru kuti makombi aburutsire vanhu.
Meya weHarare, VaBenard Manyenyeni, vanoti danho iri rakatorwa nehurumende zvisina kuwiririrana pakati pekanzuru, hurumende pamwe nevemasangano anomirira vagari vemuHarare nokudaro chirongwa ichi chinofanira kumiswa.
Muzvare Thokozani Khupe vanoti vashungurudzwa nevano fungidzirwa kuti inhengo dzebato ravo reMDC-T dzechidiki apo vange vari parufu rwaVaMorgan Tsvangirai kuBuhera nhasi. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Mutumbi wemutungamiri weMDC-T, VaMorgan VaTsvangirai wasvika kuBuhera, mudunhu reManicaland, kumadeuka zuva kweMuvhuro, uko waendeswa nechikopokopo chehurumende.
Vakafanobata chigaro chemutungamiri weMDCT, VaNelson Chamisa vaudza vatsigiri vebato nhasi kuti vachagadzirisana nevamwe vatungamiri mubato ravo kuti vaende kusarudzo dzegore rino vakabatana. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Rodhai zvimwe