Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoshanyira Zvipatara Vachiona Varwere


VaNelson Chamisa.
VaNelson Chamisa.

Mutungamiri weMDC-T, VaNelson Chamisa, vari kukurudzira hurumende kuti igadzirise matambudziko ari kusangana nanachiremba nevana mukoti munyika kuitira kuti nyika isarasikirwe nehupenyu hweveruzhinji.

Vachitaura nevatori venhau mushure mekushanyira chipatara chehurumende cheHarare Central uko vana chiremba nevana mukoti vari kuramwa mabasa vachigunun’una nemari dzemihoro, VaChamisa varatidza kushushikana zvikuru nemamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvehutano.

Mumwe murwere anga ari muchipatara, VaFungai Mahachi, vati havasi kunyatsorapwa zvakakwana sezvo vana chiremba nevana mukoti vari kuramwa mabasa.

VaChamisa varumbidza vana chiremba nevakoti vashoma vanga vari pabasa nhasi vachibatsira vanhu vakazvitakura pamwe nevanga vachisununguka vachiti tsiye nyoro dzavari kuita dzekubatsira vanhu ava panguva iyo vari kuramwa mabasa chinhu chinokudzwa zvikuru.

VaChamisa vati kana bato ravo richinge rapinda mumasimba vachaedza kugadzirisa matambudziko ose ari kusangana nenyika zvikuru sei munyaya dzehutano.

Zvichakadai, sangano rinomirira vanachiremba reZimbabwe Hospital Doctors Association raburitsa mashoko ekuti nhengo dzaro dzicharamba dzakakanda mapadza pasi kudzamara nhuna dzavo dzanzwikwa nehurumende.

Sangano iri rinoti vana chiremba vanodarika chiuru havasi pamabasa sezvo vari kuda kuti zvichemo zvavo zvigadziriswe.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kudivi regurukota rezvehutano, Va David Parirentatwa.

Vana chiremba vava nemasvondo anodarika maviri vachiramwa basa sezvo vasiri kuwirirana nehurumende panyaya dzemihoro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG