Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inodoma VaChamisa Kuti Vamirire Bato Musarudzo yeMutungamiri weNyika


Movement for Democratic Change (MDC) acting leader Nelson Chamisa addresses party supporters in Harare, Zimbabwe, Feb. 19, 2018.
Movement for Democratic Change (MDC) acting leader Nelson Chamisa addresses party supporters in Harare, Zimbabwe, Feb. 19, 2018.

Komiti yepamusorosoro muMDC-T yagadza VaNelson Chamisa semutungamiri webato iri zvichitevera kushayika kwakaita VaMorgan Tsvangirai mwedzi wapera.

National Council yeMDC-T yabuda nechisungo ichi kuitira kuti VaChamisa vave mutungamiri webato azere, kwete kuti vafanobate chigaro chemutungamiri webato.

Izvi zvaziviswa nemutevedzeri wasachigaro webato iri, VaMorgen Komichi, pamusangano wavaita nevatori venhau mushure memusangano uyu.

VaKomichi vazivisawo kuti pane chikwata chevatungamiri vedzisvondo vatumwa kuti vanotaura nemumwe wevatedzeri vemutungamiri webato ravo, Muzvare Thokozani Khuphe, sachigaro webato, VaLovemore Moyo, pamwe nemurongi wemisangano mubato iri, VaAbednigo Bhebhe.

Muzvare Khuphe vakabuda pachena kuti ndivo vaifanira kutungamira bato zvichitevera kushayika kwaVaTsvangirai uye ivo nevamwe vavo ava havana kupinda musangano wagadza VaChamisa.

Hatina kukwanisa kutaura naMuzvare Khupe nevamwe vavo kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

VaKomichi vati musangano wabvumirana kumbomisa basa mutauriri webato iri, VaObert Gutu, vachivapomera mhosva yekutaura mashoko anopikisana negwara rebato ravo.

Mutevedzeri waVaGutu, Muzvare Thabitha Khumalo, ndivo vave kufanotaura vakamirira bato iri VaGutu vakamirira kuti nyaya yavo izeyewe.

VaKomichi vazivisawo kuti muzinda webato ravo wanga uchizivikanwa nekuti Harvest House wachinzwa zita uye wave kunzi Morgan Tsvangirai House senzira yekuremekedza VaTsvangirai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG