Accessibility links

Breaking News

Amai Tsvangirai Vanoramba Mashoko Ekuti Vari Kudzinga Vana veMushakabvu Pamba


Amai Elizabeth Tsvangirai
Amai Elizabeth Tsvangirai

Pane mashoko ekuti pane kunetsana kunotyisa pakati paAmai Elizabeth Tsvangirai nevamwe vana vamuchakabvu Morgan Tsvangirai nenyaya yemba yekuHighlands muHarare. Izvi zvinonzi zvapa kuti vamwe vana vasabvumidzwe kuenda kumba uku.

Kunetsana mumhuri iyi kwakatanga kubuda pachena parufu rwaVaTsvangirai apo amai waVaTsvangirai, Ambuya Lydia Tsvangirai vakabuda panhepfenyuro vachiti vaisada kuona muroora wavo nezvikonzero zvisina kunyatsobuditswa pachena.

Asi vachitaura neStudio 7, Amai Elizabeth Tsvangirai varamba kuti hachisi chokwadi kuti pane vana vadzingwa pamba, kunyangwe vatenda havo kuti pane ropa rakaipa pakati pavo nevamwe vana.

Vati pane vamwe vana vanga vatori pamba apa vazobva zvavo vachiendawo kuna mai vavo, chinove chiratidzo chekuti havana kurambidza vana vemurume vavo sezviri kutaurwa.

Asi munin’ina waVaTsvangirai uye varivo vari kutaura vakamirira mhuri, VaManase Tsvangirai, vanoti vashamisika vachinzwa kuti vana vemukoma wavo havachabvumidzwa kutsika pamba pababa vavo.

Vachitaurawo neStudio 7, gweta raAmai Tsvangurai, VaHarrison Nkomo vaudza Studio 7 kuti mudzimai waVaTsvangirai ane zvikonzero zvakewo.

Asi VaManase Tsvangirai vati vachagara pasi semhuri voona kuti votora matanho api pane zvakaitika izvi vachitevedzera zvido zvemufi pamwe nezvemhuri.

Vane ruzivo nezvaitika pakati paVaTsvangirai nemudzimai wavo vanoti vaviri ava vakange vasisagare vese. Zvinonzi Amai Elizabeth Tsvangirai vakange vave kugara kumba yekuBorrowdale inonzi yakatengwa naVaTsvangirai ivo VaTsvangirai vachigara vega kuHighlands.

Asi gweta raAmai Tsvangirai, VaNkomo, vanoti vaviri ava vanga vachiri murume nemukadzi.

Nyaya dzekunetsana kwemhuri yaVaTsvangirai dzinonzi nemagweta dzinogona dzaenda kumatare sezvo paine zvirehwa rehwa zvakawanda zvinokugadziriswa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG