Accessibility links

Breaking News

Munhu Mumwe Chete Ofa Mumhirizhonga Yakaitika muHarare Manheru


Munhu mumwe chete anonzi akaurayiwa vamwe vaviviri vakakuvadzwa zvakaipisisa nezuro manheru mukati meguta reHarare apo mapurisa arwisana nevanhu vainyunyuta nenyaya yekurambidzwa kwemakombi kupinda pakati peguta.

Motokari mbiri dzinonzi dzakapiswa uye mahwindo epaHarare Central Police Station akapwanywa.

Mapurisa akanga akapakatira zvombo anonzi akapfura vanhu vatatu mushure mekunetsana kwaakaita nevemakombi avo vanonzi vaitakurira vanhu panzvimbo dzisingabvumidzwe.

Mumwe wevakaona zvichiitika, VaPolite Murinda, vanoti nyaya yakatangira paSeke Road Flyover. VaMurinda vanoti kurwisana pakati peveruzhinji kwakatanga mushure mekunge mapurisa aridza pfuti mudenga zvisina kufadza veruzhinji vakanga vasinei nezvemakombi aitakura vanhu aya.

Mumwe wevanotengesa mumigwagwa, VaBrian Kombiro, vakati mapurisa akazokanda hutsi hunokachidza mushure mekunge veruzhinji vatanga kurova mapurisa nekupwanya pamwe nekupisa motokari dzemapurisa.

Zvichakadai, zvinonzi mutungamiri wesangano rinomirira vafambi vanoshandisa motokari dzinotakura veruzhinji rePassengers Assoociation, VaTafadzwa Goliathi, pamwe nemutori wenhau wekambani ye263Chat, VaMunashe Chokodza, vakarohwa zvakapisisa nemapurisa aya pachiitiko ichi.

VaGoliathi vanoti vakanga vatizira pamapurisa apo vakazohwa zvichitevera mhirizhonga yakaitika iyi. VaGoliathi vanoti zvakanga zvisina kukodzera kuti mapurisa ashandise zvombo kuvanhu vasina chavakabata.

Zvichakadai, mumwe anozivana neumwe wevanonzi vakapfurwa pachiitiko ichi, VaRangarirai Sithole vanoti vakarwadziwa zvikuru kunzwa kuti munhu uyu ashayika nenzira iyi.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba kuti tinzwe divi remapurisa panyaya iyi uye kuti vatipe mazita evanhu vanonzi vakafa muchiitiko ichi.

Asi gurukota rinoona nezvematunhu VaJuly Moyo vakazozivisa nezuro kuti vainge vamisa nyaya yekuti makombi asapinde muguta.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaAvaoid Masitaha vati mhirizhonga iyi iri kukonzerwa nemitemo yehurumende isina kunyatsojeka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG