Accessibility links

Breaking News

Kurwira Zvigaro MDC-T Kwopesana neShuviro Yaiva naVaTsvangirai


Khupe Chamisa
Khupe Chamisa

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti kusawirirana kuri muMDC-T pari zvino kunodzosera kumashure zvinangwa zvevaimbova mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, avo vakashayika mwedzi wapera.

MuMDC mune makakatanwa pakati paVaNelson Chamisa naMuzvare Thokozani Khupe avo vari kutatsurana nenyaya yekurwira hukuru.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mutungamiri wesangano reWomen In Politics Support Unit, kana kuti Wipsu, Muzvare Sakhile Sifelani, vaudza Studio7 kuti zviri kuitika muMDC pari zvino zvinodzosera shure nyaya dzehutongi hwejekerere hwairwirwa naVaTsvangirai.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, Muzvare Memory Kadau, vanoti VaTsvangirai vakaedza pose pavanogona napo kubatanidza vanhu mubato ravo kuburikidza nekuumba MDC Alliance.

Vati chave kudikanwa ndechekuti vanhu vari muMDC vaite chinhu chimwechete kuti zvairwirwa naVaTsvangirai zvienderere mberi.

Asi Muzvare Sifelani vati mukuita zvataurwa naMuzvare Kadau, hapafanire kushandiswa mhirizhonga sezviri kuitika muMDC mazuvano zvavanoti zvave kuita kuti vanhu vakawanda vasave nechivimbo chekuti muMDC mune vatungamiri vakatwasuka.

Imwe nyanzvi munyanzvi dzezvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano reRevolutionary Research Institute of Zimbabwe, VaTjenesani Ntungagwa, vanoti kunyange hazvo VaTsvangirai vaive negwara ravaitevedzera, pane zvimwewo zvavakatadza, izvo zvava kubuda kubudikidza nemhirizhonga iri kuitika iyi

Asi VaNtungagwa vanowirirana naMuzvare Kadau kuti kana MDC ikabatana, inogona kukunda musarudzo dzegore rino.

Nyanzvi idzi dzinoti kana makakatanwa ari muMDC akaramba achienderera mberi, zvichapa kuti MDC ipedze nguva yakawanda ichitevera nharo dziri kuitwa nevatungamiri vebato iri pane kuti bato iri ritsvage rutsigiro pamberi pesarudzo.

Vakawanda vanoti sezvo MDC ichigara ichishora bato reZanu PF nekutyora mitemo, kana kutadza kutevedzera mitemo yenyika, vanoda kuona bato iri richiremekedza bumbiro remitemo yaro, sezvo mitemo iyi iri pamusoro pemunhu wese, kusanganisira muchakabvu VaTsvangirai.

Nyanzvi munyaya dzebumbiro remitemo dzinoti mhirizhonga iri mubato iri iri kukonzerwa nevamwe vakuru vasidi kuda kutevedzera zvinorema bumbiro remitemo yebato kana mutungamiri webato ashaya.

Nyanzvi idzi dzinoti mutemo uyu wakajeka zvikuru mubumbiro rebato, nokudaro dzinoti dzinoshamiswa zvikuru kuona hutungamiri hweMDC-T huchinetsana nezvinhu zvakajeka.

Apo mhirizhonga iri kuenderera mberi mubato iri vanhu vachideura ropa revamwe, vakawanda vanoramba vachifunga pamwe nekudemba kuti dai VaTsvangirai, avo varere murinda ravo kwaHuwanikwa kuBuhera, vachiri vapenyu, dai zvakadai zvisiri kuitika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG