Accessibility links

Breaking News

Kumborambidzwa kweMakombi Kupinda Mukati meHarare Kwotsamwisa Vakawanda


Kombis

Veruzhinji vatambura neChina kupinda mudhorobha reHarare mushure mekunge vemakombi varambidzwa kuburutsira vanhu mudhorobha sezvavanoita mazuva ose.

Izvi zvapa kuti vanhu vazhinji vanonoke kumabasa mushure mekunge vemakombi vavaburutsira kunze kwedhorobha zvazopedzisira zvaita kuti vanhu ava vafambe netsoka kupinda mudhorobha.

Mumwe mugari wekuChitungwiza uye achishanda pane chimwe chitoro chiri pakati pedhorobha, VaLiberty Mombendambe, vati zvavatorera nguva yakareba kuti vafambe kubva kuCoca-Cola kwavaburutsirwa kuti vapinde mukati meguta.

Izvi zvatsinhirwawo nemugari wekuWarren Park, VaHubert Khona, avo vati vaburutsirwa kuShowground vakazopedzisa rwendo rwavo netsoka kupinda mudhorobha.

Mugari wekuKuwadzana, Muzvare Joice Chabikwa, vati vaburutsirwawo paShowground zvava kuvadhurira kuti vapinde mudhorobha sezvo vachiti vave kutoita zvekutsvaga dzimwe motokari dzinovapinza mudhorobha kana vachinge vaburutsirwa munzvimbo dzakatarwa nekanzuru kuti makombi aburutsire vanhu.

Meya weHarare, VaBenard Manyenyeni, vanoti danho iri rakatorwa nehurumende zvisina kuwiririrana pakati pekanzuru, hurumende pamwe nevemasangano anomirira vagari vemuHarare nokudaro chirongwa ichi chinofanira kumiswa.

Zvichitevera kunyunyuta kwaita veruzhinji, gurukota rezvematunhu, VaJuly Moyo, vaburitsawo mashoko ekubvumidza vemakombi kuti vapinde mudhorobha vachikandira nyoka mhenyu kukanzuru yeHarare yavati ndiyo yakatora danho iri isina kubvunza zvakakwana.

VaMoyo vati hurumende ichagara pasi nevemakanzuru ose munyika, pamwe nevemasangano anomirira vagari nechinangwa chekugadzirisa nyaya yekufamba kwevanhu kupinda mumadhorobha vachiti danho rakadai rinofanira kutorwa pachinge pagadziriswa zvose zvinodiwa kuti veruzhinji vasatambudzike pakufamba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG