Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vovimbisa Vagari vekuMaruwa Huchi neMukaka kana Vakakunda Musarudzo


VaNelson Chamisa, vari pakati, vaina VaWelsman Ncube naVaTendaI Biti

Vachamirira mubatanidzwa weMDC Alliance musarudzo dzemutungamiri wenyika, uye vari mutungamiri weMDC-T, VaNelson Chamisa, vakati vachasimudzira hupenyu hwevanhu vekumaruwa pamwe nekupa dzidzo yepachena kana vakakunda musarudzo dzegore rino.

Vachitaura nevatsigiri vavo panzvimbo yemabhizimusi paNzvimbo kuChiweshe mudunhu reMashonaland Central, nemusi weSvondo, VaChamisa vakati vachasimudzira hupenyu hwevanhu kumaruwa, vachiti nguva yareba vagari vekumaruwa vachibatwa neseri kwemaoko neZanu PF.

VaChamisa vakatiwo vana vechikoro vedzidzo yepasi vachange vave kudzidza pachena kana vachinge vapinda muhurumende.

Vakaenderera mberi vachiti vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, vanofanira kupihwa mukana wekuti vazorore kunyange vachiti vakawondomora nyika.

VaChamisa vakatiwo sebato vachaedza kuti pave nemutemo uchagadzirisa nyaya yekuchinjanwa kwemasimba kana kuti Transition Act.

Zvichakadaro, mumwe wevatungamiri vari muMDC Alliance, VaWelshman Ncube vakatiwo masoja anofanirwa kubviswa mukomisheni inoona nezvesarudzo yeZEC kuitira kuti sarudzo dziitwe zviri pachena.

VaChamisa vakatarisirwa kuita mumwe musangano nevatsigiri vavo kuBulawayo mushure mezororo reEaster.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG