Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoisa Parutivi Mutongo Waro Pamusoro peVavhoti Vari Kunze kweNyika


High Court
High Court

Dare repamusoro-soro munyika reConstitutional Court ranzwa chikumbiro chezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kuda kuti zvipihwe kodzero dzekuvhota musarudzo dzegore rino asi hurumende iri kutsika madziro panyaya iyi.

Nyaya iyi yakasvitswa kudare iri negweta rinorwira kodzero dzevanhu rinogara kuSouth Africa, VaGabriel Shumba, nevamwe vavo vaviri avo vari kuda kuti vapihwe mukana wekuvhota musarudzo dzegore rino.

Mukunzwikwa kwenyaya iyi, gweta ranga rakamirira VaShumba nevamwe vavo, VaThabani Mpofu, vaudza dare kuti chizvarwa chese cheZimbabwe chine makore gumi nemasere chine kodzero dzekuvhota zvisinei nekuti munhu anogara kunyika ipi.

VaMpofu vati hapana chikonzero chekuti bumbiro remitemo rivandudzwe panyaya iyi asi kuti mitemo inobata nyaya dzesarudzo ndiyo inofanira kuvandundzwa.

VaMpofu vaudza dare kuti havaone chikonzero chekuti hurumende yeZimbabwe irambidze zvizvarwa zvayo zviri kunze kwenyika kuvhota zviri kwazviri ikoko kana nyika diki dzakaita seMozambique neChad dzichikwanisa kuti zvizvarwe zvenyika idzi zvivhote zviri kunze kwenyika idzi.

Asi gweta ranga rakamirira hurumende panyaya iyi, Amai Vernanda Munyoro, vati munhu kana achinge agara kunze kwenyika kwegore asiri kuita basa rehurumende anoruza kodzero dzake dzekuvhota musarudzo.

Vati vanhu vanokwanisa kuvhota vari kunze kwenyika vashandi vehurumende chete vachiti mutemo uripo pari zvino unosungira munhu wese ari kuda kuvhota musarudzo dzemunyika muno kuti anyorese kuvhotera munharaunda yaanogara inenge iri muZimbabwe.

Vatongi vapfumbamwe vanga vachiinzwa nyaya iyi nhasi avo vanga vachitungamirwa naAmai Elizabeth Gwaunza vati vachatura mutongo wavo muzuva ravasina kutara.

Zvichataurwa nevatongi ava zvichareva kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvichakwanisa kuvhota here kana kuti kwete musarudzo dzegore rino.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vachidzidzisa paUniversity of Pretoria, Doctor Tyanai Masiya, vanoti dare repamusoro soro harisi kubata zvakanaka nyaya yevavhoti vari kunze kwenyika.

“Tinozviziva kuti matare edzimhosva haana kunyanya kuvimbika munyika yeZimbabwe. Vanotonga mhosva vakatarisa ziso reZanu-PF. Havaiti basa ravo nemazvo kana tichitarisa nhoroondo dzemabatiro avanoita basa munyaya dzesarudzo,” vadaro VaMasiya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG