Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inodzinga Muzvare Khupe, VaGutu naVaBhebhe


Thokozani Khupe
Thokozani Khupe

Musangano weNational Council yeMDC-T unoti wabuda nechisungo chekudzinga mubato iri, mutevedzeri wemutungamiri webato, Muzvare Thokozani Khupe, sezvo vari kuramba vakaomesa musoro vachiramba kutambira zvakatarwa ne National Council zvekucherechedza kudomwa kwaVaNelson Chamisa semutungamiri mutsva webato.

Bato iri rinotiwo radzinga mubato munyori wezvekurongwa kwemisangano, Va Abednico Bhebhe, uye rinoti ratambira kusiya basa kwakaitwa neChina nasachigaro webato, Va Lovemore Moyo.

Bato iri ratiwo riri kubvisa Muzvare Khupe naVa Bhebhe muparamende sezvo vasisiri nhengo dzebato iri.

Vachitaura nevatori venhau, mutevedzeri wasachigaro webato, VaMorgen Komichi, vatiwo mutauriri webato, VaObert Gutu, vadzingwawo mubato.

Asi VaGutu vaudza vatori venhau kuti havangadzingwe mubato nemutungamiri webato asiri pamutemo.

Nemusi weSvondo, Muzvare Khupe vakazivisa kuti havachineyi nevanhu vari kutyora bumbiro rebato, vakati ivo vari kuronga kongiresi mwedzi unouya yekugadzirisa zviri kunetsa mubato.

Mashoko akaburitswa naMuzvare Khupe mushure memusangano wavakaita muBulawayo kuAmphi Theatre, akaratidza pachena kuti vava kuenderera nehurongwa hwavo vega hwokuita kongiresi iyo inotarisirwa kuvagdza semutemutungamiri achafanobata chigaro zvichitevera kushaya kwaVaMorgan Tsvangirai mwedzi wapera.

Zviri kuitika muMDC T zvava kuburitsa pachena kuti pava nemapato maviri achange achizviti MDC-T.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaBhebhe naMuzvare Khupe zvichitevera chisungo cheNational Council.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG