Accessibility links

Breaking News

MDC-T yaVaChamisa Yorwisa Kuti Vari kuChikwata chaMuzvare Khupe Vadzingwe muParamende


Muzvare Thokozani Khupe naVaNelson Chamisa
Muzvare Thokozani Khupe naVaNelson Chamisa

MDCT inotungamirwa naVaNelson Chamisa inonzi yanyorera kuparamende ichikumbira kuti vaimbova mutevedzeri webato iri Muzvare Thokozani Khupe nevamwe vabviswe kuve nhengo dzeparamende zvichitevera makatanwa ari mubato iri.

Vakafanobata chigaro chasachigaro webato reMDCT rinotungamirwa naVaChamisa, VaMorgen Komichi, vanoti bato ravo rakaendesa tsamba kumutauriri wedare reparamende, VaJacob Mudenda, nechinangwa chekuti Muzvare Thokozani Khupe nevamwe vavo vari kuvatsigira vadzingwe muparamende.

Izvi zvinotevera kudzingwa kwakaitwa Muzvare Khupe, avo vaiva mutevedzeri wemutungamiri muMDCT, pamwe naVaAbednigo Bhebhe, avo vaiva murongi wemisangano mubato iri.

Hatina kukwanisa kutaura naVaMudenda kuti tinzwe divi reparamende panyaya iyi. Asi mutauriri weboka reMDC-T inotungamirwa naMuzvare Khupe, VaObert Gutu, vanoti zviri kutaurwa naVaKomichi izvi ndezvemugotsi matsuro.

Zvichakadai, imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaVivid Gwede, vanoti kunyorwa kwetsamba yekubvisa Muzvare Khupe nevamwe vavo muparamende hachisi chinhu chinoshamisa.

Aka hakasi kekutanga kuti MDC-T idzinge nhengo dzayo muparamende. Vaimbova munyori mukuru weMDCT, VaTendai Biti nevamwe, vakambodzingiswa kuparamende mushure mekunge vanetsana nevaimbova mutungamiri webato iri, mushakabvu VaMorgan Tsvangirai.

Kunetsana pakati paVaChamisa naMuzvare kwakatanga pakafa VaTsvangirai apo komiti yepamusorosoro yeMDCT, yeNational Council, yakabuda nechisungo chekuti VaChamisa vatsive VaTsvangirai, nekune rumwe rutivi, Muzvare Khupe vachiti panofanirwa kuitwa kongiresi yechimbichimbi kutsvaga anotsiva VaTsvangirai.

Zvichakadai, Muzvare Khupe vanoti hurongwa hwekuita kongiresi hwave pachinhanho chepamusoro vachiti kongiresi iyi ichaitwa musi wa 21 mwedzi uno. Nekune rumwe rutivi, VaChamisa vanoti hapasisina nguva yekuita kongiresi gore rino sezvo patarisanwa nesarudzo.

Zvikwata zviviri izvi zviri kurwirawo zita rekuti MDC-T, uye nyaya iyi yakatosvitswa kudare redzimhosva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG