Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vovimbisa Vanhu Huchi neMukaka Kana Votonga Zimbabwe


In this March 8, 2018 photo, the leader of MDC-T, Zimbabwe's biggest opposition party, Nelson Chamisa gestures during an interview with the Associated Press in Harare.
In this March 8, 2018 photo, the leader of MDC-T, Zimbabwe's biggest opposition party, Nelson Chamisa gestures during an interview with the Associated Press in Harare.

Mutungamiri weMDCT, VaNelson Chamisa, neChitatu vakaparura hurongwa hwekusangana nevatsigiri vavo munzvimbo dzavanogara vachivimbisa veruzhinji kuti makambani mazhinji akavharwa achavhurwa kana vachinge vapinda muhutongi.

Vachitaura nevatsigiri vavo paGlen Norah Community Hall muHarare neChitatu manheru, VaChamisa vakati vachagara vachiita misangano neveruzhinji munzvimbo dzavanogara vachivapa muonero wavo wehurumende itsva kana vachinge vakunda.

VaChamisa vakavimbisa vanhu vakanga vari pamusangano uyu mabasa avachaita ekusimudzira nzvimbo dzavagere kana vachinge vakunda musarudzo dzegore rino.

VaChamisa vakati makambani ose akavharwa achavhurwa kana vangopinda muhutongi kuti veruzhinji vasina mabasa vawane chouviri vachiti sebato vane shamwari dzakawanda kunze kwenyika dziri kuda kuzosima mari munyika.

VaChamisa vakatiwo dambudziko rekushaikwa kwemari mumabhanga rinopera chete kana pave nevatungamiri vakavimbika. VaChamisa vakati mari yemhando yema bond notes ichasendekwa parutivi.

Kunyange hazvo vamwe vachiti zviri kuvimbiswa naVaChamisa ndezvemugotsi matsuro, imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano re Diaspora Vote Campaign, Muzvare Joanna Mamombe, vanoti chinodiwa hutungamiri hunenge huchiziva zvahuri kuita kwete kungotaura chete.

VaChamisa vakati havasi kuzopinda musarudzo pasina kuvandudzwa mitemo inobata sarudzo uye vasingazivi kuti mapepa ekuvhotesa achange achidhindwa kupi, uye nani.

Zvichakadai, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakati sarudzo dzegore rino dzichaitwa zviri pachena kunyange hazvo MDC ichiti nguva iri kupera pasina chati chaitwa kugadzirisa zvinodiwa kuti sarudzo dzakachena dziitwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG