Accessibility links

Breaking News

Mitemo Mitsva yeSarudzo Yozeiwa Muparamende neChitatu


Members of the House of Assembly sit inside the Zimbabwean Parliament in Harare, Nov. 21 2017.
Members of the House of Assembly sit inside the Zimbabwean Parliament in Harare, Nov. 21 2017.

Dare reparamende iro radzoka neChipiri zvechimbi chimbi kubva kuzororo kuti rizozeya zvinoda kushandurwa pamutemo wesarudzo weElectoral Amendment Act, ratadza kuita izvi mushure mekunge bato guru rinopikisa reMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa rati rinoda nguva yekuzeya zvinhu zvitsva zvaunzwa mudare negurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi.

VaZiyambi vange vatomisa mitemo yese ine chekuita pakupasiswa kwemabhiri uyewo vange vatokumbira dare kuti rizeye bhiri reElectoral Amendment asi vanokokera nhengo dzeMDC-T muNational Assembly, VaInnocent Gonese, vabva vaudza VaZiyambi kuti vanoda nguva yekuongorora mitemo mitsva yaunzwa negurukota iri sezvo vanga vasati vayiona.

VaGonese vanoti hapana zvizhinji kunze kwekuti vanoda nguva yekuyiongorora mitemo mitsva kuitira kuti vazeye zvavanoziva.

VaGonese vatiwo ivo pachavo vane zvimwewo zvavanoda kuti zvipinzwe apo mutemo wesarudzo uri kuvandudzwa.

VaZiyambi vatambira chichemo chaVaGonese vakati vave kuzozeya bhiri iri neChitatu.

Zvimwe zvinodiwa naVaGonese nebato ravo kuti zvive mumutemo wesarudzo inyaya yekuti komisheni yesarudzo inofanira kuzivisa mapato ose achapinda musarudzo nemasangano anoongora sarudzo kuri kudhindwa magwaro ekuvhotesa kana kuti maballot papers.

Vatiwo vanodawo kuti ZEC ipihwe simba rekukoka vanoongorora sarudzo, kwete kuti izvi zviitwe nehurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG