Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nhengo dzeMDC-T yaVaChamisa Dzoti Dzakarwiswa


Dzimwe nhengo dzeMDC-T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa dzinoti dzakarwiswa nevanhu vadzinoziva
Dzimwe nhengo dzeMDC-T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa dzinoti dzakarwiswa nevanhu vadzinoziva

Pane nhengo nhatu dzeMDC-T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa dzamhan’ara kumapurisa kuti dzakarohwa nevanhu vari kufungidzirwa kuti inhengo dzebato iri padzaitsvagira VaFelix Magalela Mafa Sibanda rutsigiro rwekuti vadomwe kuve mutevedzeri waVaChamisa.

Pane nhengo dzeMDC-T mbiri dzinoti dzamhan’ara kupamupurisa zvichitevera kurohwa zvakaipisisa kwadzinoti dzakaitwa mukupera kwesvondo padzaitsvaga rutsigiro rwekuti mutauriri webato iri kuBulawayo, VaFelix Mafa, vagadzwe semumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato iri.

Mumwe wevanhu vanhu ava, VaDougson Shoko, vanoti vakazvambaradzwa kuManicaland mushure mekunge ivo nemumwe wavo, VaNeviel Eliot Zunde, vaburitsa mapepa aive nemashoko aipembedza VaMafa.

VaShoko vanoti vanhu vakavarova ava vanhu vavanotoziva zvikuru.

Vakanederera mberi vachiti ivo nemumwe wavo vakasvitsa nyaya iyi kumapurisa ekuMiddle Sabi, kuManicaland kwakare, ayo abvuma kuti pane nyaya yakadai yakamhan’arwa kwavari asi vakati titaure nevakuru vavo kuHarare.

Zvichakadai, mumwewo ari kutsvagira VaMafa rutsigiro, VaHenry Madiro vanoti vakapinzwawo mutsekwende mudunhu reMashonaland West nenyaya imwecheteyo uye vanoti nyaya iyi yatovewo kumapurisa zvakare.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, kuti tinzwe divi ravo panyaya idzi.

Asi VaMafa vanoti havana vanhu vavakatuma kuti vavatsvagire rutsigiro vachiti zviri kuna VaChamisa semutungamiri webato kugadza munhu wavanoda kuti ave mutevedzeri wavo maererano nezviri mubumbiro remitemo yebato ravo.

Hatina kukwanisa kubata VaChamisa kana mutauriri wavo VaLuke Tamborinyoka kuti tinzwe kuti vachagadza rinhi mumwe wevatevedzeri vavo zvichitevera kudzingwa mubato kwakaitwa Muzvare Thokozani Khupe, avo vakasarudzwa kuve mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC-T pakongiresi yakaitwa kuBulawayo mukupera kwesvondo.

Kuitwa kwekongiresi iyi kwave kureva kuti MDC-T yapatsanuka zvakare pamberi pesarudzo idzo dzakatarisirwa kuitwa mumwedzi mishoma iri kutevera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG