Accessibility links

Breaking News

Mapato Anodarika Zana Okwikwidza Musarudzo


Map Zimbabwe
Map Zimbabwe

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti kuwanda kuri kuramba kuchiita mapato anopikisa kunoratidza hutongi hwejekerere asi kunogona kupa Zanu PF mukana wekukunda musarudzo dzegore rino.

Komisheni inoona nezvesarudzomunyika yeZimbabwe Electoral Commission, kana kuti ZEC, inoti pane mapato anokwana zana rine gumi nesere ezvematongerwo enyika anyoresa kuti anoda kuve nechekuita nesarudzo dzegore rino.

Sachigaro weZEC, Amai Priscilla Chigumba, vanoti mapato anenge awumbwa anosungirwa kuzonyoresa kukomisheni yavo vachiti chavanoita chete kutarisa mabumbiro emapato aya asi havakwanise kuarambidza kuti asavepo.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi paGreat Zimbabwe University, VaTakavafira Zhou, vanoti mapato anopikisamazhinji ari kuumbwa neZanu PF kuitira kuti paite sepane hutongi hwejekerere munyika.

Amai Chigumba vanoti kana mapato achinge awumbwa anotowana mari chete kubva kuhurumende kana achinge awana mavhoti anosvika pakatarwa nemutemo unoona nezvemapato wePolitical Parties Finance Act.

VaZhou vanoti mapato anopikisa anoratidza kuti ane rutsigiro rweveruzhinji mashomanana.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvemtongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaVivid Gwede, vanoti kuwanda kuri kuita mapato anopikisa kuri kukanganisa hurongwa hwekuti mapato anopikisa aite chirwirangwe musarudzo dzegore rino kunyange hazvo vachiti kumuka kuri kuramba kuchiita mapato anopikisa kuchiratidza hutongi hwejekere.

Kunyange hazvo mapato anopikisa mazhinji akati anoda kuve nechekuita nezvesarudzo dzegore rino, mapato mashomanana ndiwo ari kusimudza musoro panyaya yekuda kwawo kuti mitemo inobata sarudzo ivandudzwe.

Amai Chigumba vanoti komisheni yavo yeZEC iri kushanda zvakasimba kuti zvichabuda musarudzo dzegore rino zvive zvinotambirwa nemapato ose vachiti mapato ose ezvematongerwo enyika akasununguka kusvitsa nhuna dzawo kukomisheni yavo kuti patsvagwe nzira dzekugadzirisa zvose zvinenge zvichinetsa.

Kunyange hazvo mapato anopikisa achiramba achiwanda, Amai Chigumba vati mazhinji emapato aya anogona kutadza kukwikwidza musarudzo dzegore rino mushure mekuzenge atadza kuzadzisa zvinodiwa kuti akwikwiddze musarudzo.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti sarudzo dzinofanirwa kuitwa muna Chikunguru kunyange hazvo mibatanidzwa yemapato anokisa yakaita seMDC Alliance inotungamirwa naVaNelson Chamisa pamwe nePeople’s Rainbow Coalition inotungamirwa nevaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vachiti pane zvakawanda zvinofanira kugadziriswa kuitira kuti sarudzo dzinge dziri pachena uye dzichiratidza zvido zveveruzhinji.

Hurumende yakatokoka vekunze vanosanganisira nyika dzakaita seAmerica, nyika dziri mu European Union neCananda dzakange dzisingakokwe musarudzo dzakapfuura ichiti sarudzo dzegore rino dzinofanira kuitwa zviri pachena.

please wait

No media source currently available

0:00 0:11:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG