Vashandi vehurumende vari pasi pesangano re Apex vanoratidzira muHarare vachiti havasi kufara nemihoro yavari kutambiriswa, ukuwo sangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe richitiwo nyaya dzaro dzemihoro dzikasagadziriswa, richatanga kuramwa mabasa nemusi weMuvhuro uri kutevera.
Mutungamiri weApex Council, Amai Cecelia Alexander, vati vashandi vazhinji havachakwanisi kuenda kubasa pamwe nekuraramisa mhuri dzavo zvichitevera kushomeka kwemari dzavanotambiriswa nehurumende dzavanoti dzakafanana nemutero wembwa.
Vatsigiri veMDC varatidzira muHarare vachiti havasi kufara nekunonoka kuunzwa kumatare kwaitwa mutevedzeri wasachigaro webato ravo VaJob Sikhala avo vari kupomerwa mhosva yekuronga zvekupidigura hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa. Vanowona nezvekuburitswa kwemashoko muMDC VaDaniel Molekela votaura.
Vatsigiri veMDC voratidzira padare ramejasitireti muHarare vachiratidza kutsamwa nekunonoka kuiswa kudare iri kwemumiriri weZengeza West uye vari mutevedzeri wasachigaro weMDC, VaJob Sikhala, avo vakasungwa nezuro vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Vatsigiri veMDC varatidzira muHarare vachiti havasi kufara nekunonoka kuunzwa kumatare kwaitwa mutevedzeri wasachigaro webato ravo, VaJob Sikhala, avo vari kupomerwa mhosva yekuronga zvekupidigura hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.
Asi mutauriri weboka revechidiki muMDC, VaStephen Chuma, vaudza Studio7 kuti boka ravo riri kutsigira VaSikhala nemashoko avanonzi vakataura kuBikita.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari parwendo rwavo rwechimakumi matatu nematanhatu vachienda kunze kwenyika mukati memwedzi makumi maviri yapfuura.
Gurukota rezvemhando dzemoto, VaFortune Chasi, vanoti varimi ndivo vachange vave kutanga kuwaniswa mafuta edzimotokari kuitira kuti varimi vane mbesa dzemumwaka wechando vasarasikirwe nenguva.
Hurumende inoti ichatorera marezenisi makambani ezvemafuta kana akaramba achiita zvisina tsarukano zvainoti zviri kukonzera kushaikwa kwemafuta edzimotokari mumagaraji.
Hurumende inoti ichatorera marezenisi makambani ezvemafuta kana akaramba achiita zvisina tsarukano zvainoti zviri kukonzera kushaikwa kwemafuta edzimotokari mumagaraji
Mumwe mugari wenzvimbo iyi, VaTimothy Nyevera, vanoti vazhinji vevanasikana ava vari kuita zvechipfambi nepamusana pekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika munyaya dzezvehupfumi.
Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Amai Naome Chikanya, vatiwo vemabhizimusi vakarega kutenga mari yekunze pamusika mutema pairi kuwanikwa, vanobhuroka.
Sangano rinomirira vadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ rinoti nhengo dzaro zhinji hadzina kuenda kumabasa nhasi.
Mumiriri weGlen View South muparamende vachimirira MDC, Amai Vimbai Tsvangirai-Java, avo vakashaya svondo rino kuWest End Clinic, voradzikwa nhasi kumarinda eGlen Forest muHarare.
Mumiriri weGlen View South muparamende vachimirira MDC, Amai Vimbai Tsvangirai-Java, avo vakashaya svondo rino kuWest End Clinic, voradzikwa nhasi kumarinda eGlen Forest muHarare. Nyaya ina Thomas Chiripasi.
Vachitaura kuCity Sports Centre, mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vati kuparara pamwe nekutetepa kwemigwagwa ndiko kwakakonzera tsaona yakazoita kuti Amai Java varasikirwe nehupenyu.
Mukuru mubazi rezvehutano mukanzuru yeHarare, Dr Prsoper Chonzi vanoti ongororo yavakaita pamanyoka ari kurwarwa nevamwe vagari vemuHarare inoratidza kuti hachisi chirwere cheCholera neTyphoid sezvange zvotyirwa nevanhu.
Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vakaudza Studio7 neChina kuti vaitarisira mutongo wakanaka pavasungwa vari kumirirwa nesangano ravo.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaparura neChitatu nhaurirano pakati pehurumende, vashandi nevashandirwi vachikurudzira kuti vashandi vasaratidzire kusafara kwavo nekuoma kuri kuita zvinhu munyika.
Rodhai zvimwe